Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 11:8-10

VaHebheru 11:8-10 SNA2002

Nokutenda Abhurahamu, akati adanwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi achaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwechete naye; nokuti akanga achitarira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.