Nokutenda Abheri akabayira Mwari chibayiro chakanaka kune chaKaini; akapupurirwa nacho kuti akanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyange afa hake, achangotaura nazvino. Nokutenda Enoki akatorwa, kuti arege kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa akapupurirwa kuti akanga achifadza Mwari. Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari, anofanira kutenda kuti iye aripo, uye kuti anopa vanomutsvaka mubayiro wavo. Nokutenda Noa akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, akagadzira areka nokutya Mwari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunouya nokutenda. Nokutenda Abhurahamu, akati adanwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi achaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwechete naye; nokuti akanga achitarira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro. Nokutenda naiye Sara akapiwa simba rokutora mimba, kunyange akanga achembera, nokuti akati iye akamupikira akatendeka. Saka kumunhu mumwe, akanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi.
Verenga chikamu VaHebheru 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaHebheru 11:4-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo