Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 11:1-31

VaHebheru 11:1-31 SNA2002

Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni. Nokuti naiko vanhu vakare vakapupurirwa zvakanaka. Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanatsorongedzwa nezwi raMwari, naizvozvo zvinhu, zvinoonekwa, hazvina kuitwa nezvinhu zvinoonekwa. Nokutenda Abheri akabayira Mwari chibayiro chakanaka kune chaKaini; akapupurirwa nacho kuti akanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyange afa hake, achangotaura nazvino. Nokutenda Enoki akatorwa, kuti arege kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa akapupurirwa kuti akanga achifadza Mwari. Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari, anofanira kutenda kuti iye aripo, uye kuti anopa vanomutsvaka mubayiro wavo. Nokutenda Noa akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, akagadzira areka nokutya Mwari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunouya nokutenda. Nokutenda Abhurahamu, akati adanwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi achaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda. Nokutenda akandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwechete naye; nokuti akanga achitarira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro. Nokutenda naiye Sara akapiwa simba rokutora mimba, kunyange akanga achembera, nokuti akati iye akamupikira akatendeka. Saka kumunhu mumwe, akanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyeredzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa risingaverengwi. Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika. Nokuti vanotaura zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yavo chaiyo. Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka. Asi zvino vanoda imwe inopfuura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta. Nokutenda Abhurahamu, achiedzwa, akabayira Isaka; iye akanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, akanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga; iye akanga audzwa, zvichinzi, “Muna Isaka vana vako vachatumidzwa; nokuti wakati Mwari anogona kumutsa munhu kunyange kuvakafa; ndipapowo, kana tichitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa.” Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinozoitwa. Nokutenda Jakobho pakufa kwake akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pomudonzvo wake. Nokutenda Josefa, ofa, akataura zvokubuda kwavana vaIsiraeri, akavarayira pamusoro pamapfupa ake. Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake akavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana wakanaka; havana kutya murayiro wamambo. Nokutenda Mosesi akura, akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao, akati zviri nani kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari pakufarira zvivi nguva duku; akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kupfuma kwose kweIjipiti; nokuti akatarira mubayiro. Nokutenda akabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti akatsungirira somunhu anoona iye asingaonekwi. Nokutenda, akavamba Pasika nokusasa ropa, kuti muurayi wamatangwe avarege ivo. Nokutenda, vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; vaIjipiti vachiedza izvozvo, vakabitirirwa. Nokutenda, masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe. Nokutenda, Rakabhi chifeve, haana kufa pamwechete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vashori norugare.