Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habhakuki 1:12-17

Habhakuki 1:12-17 SNA2002

“Imi Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamuzakavapo kubva pakutanga-tanga here? Isu hatingafi. Jehovha, imi makatema kuti vatonge, nemi dombo, makavaisapo kuti varange, Imi, muna meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama, munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana akashata achimedza akamupfuura nokururama; muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mubati? “Vanovaredza vose nechiredzo chavo, vanovabata mumumbure wavo, vachivaunganidzira murutava rwavo; naizvozvo vanofara kwazvo vano mufaro. Naizvozvo vanobayira mumbure wavo, nokupisira rutava rwavo zvinonhuwira, nokuti mugove wavo wakakora nazvo, zvokudya zvavo zvawanda. “Zvino vangadurura zviri mumumbure wavo, vakaramba vachiuraya marudzi avanhu here?

Verenga chikamu Habhakuki 1