Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 48

48
Jakobho anoropafadza vanakomana vaJosefa
1Shure kwaizvozvo Josefa akaudzwa, zvichinzi, “Tarira, baba vako vanorwara;” iye akatora vanakomana vake vaviri, Manase naEfuremu. 2Jakobho akaudzwa, zvichinzi, “Tarirai, mwanakomana wenyu, Josefa, wauya kwamuri.” Isiraeri akazvisimbaradza, akagara pauvato. 3Zvino Jakobho akati kuna Josefa, “Mwari waMasimbaose akazviratidza paRuzi, panyika yeKenani, akandiropafadza, 4akati kwandiri, ‘Tarira, ndichakuberekesa, ndichakuwanza, ndichakuita ndudzi zhinji; ndichapa vana vako vanokutevera nyika ino, ive yavo nokusingaperi.’
5“Zvino vanakomana vako vaviri, vawakaberekerwa panyika yeIjipiti, ndisati ndasvika kwauri paIjipiti, ndavangu; Efuremu naManase vachava vangu savana Rubheni naSimeoni. 6Asi vana vako, vawakabereka shure kwavo, vachava vana vako, vachatumidzwa nezita ravakuru vavo panhaka yavo. 7Kana ndirini, pakubva kwangu paPadhani, ndakafirwa naRakeri panyika yeKenani munzira ndasvika pedyo neEfurata, ndikamuvigapo panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu).”
8Isiraeri akaona vanakomana vaJosefa, akati, “Ndivananiko?”
9Josefa akati kuna baba vake, “Ndivo vanakomana vangu vandakapiwa pano naMwari.” Vakati, “Douya navo kwandiri ndivaropafadze.” 10Zvino meso aIsiraeri akanga oona madzerere nokukwegura, akanga asisagoni kuona. Akavaswededza kwavari, Isiraeri akatsvoda, akavambundikira. 11Isiraeri akati kuna Josefa, “Handina kufunga kuti ndichaona chiso chakozve, zvino tarira, Mwari akandionesa navana vakowo.” 12Josefa akavabvisa pakati pamabvi avo akakotamira pasi nechiso chake.
13Josefa akavabata vari vaviri, Efuremu norudyi rwake kuruboshwe rwaIsiraeri, naManase noruboshwe rwake kurudyi rwaIsiraeri, akavaswededza pedyo naye. 14Isiraeri akatambanudza ruoko rwake rworudyi, akaruisa pamusoro paEfuremu, aiva muduku, noruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase, akapesanisa maoko ake achizviziva, nokuti Manase akanga ari wedangwe.
15Akaropafadza Josefa,
akati, “Mwari uya,
akafamba madzibaba angu pamberi pake,
vana Abhurahamu naIsaka,
Mwari akandifudza paupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi;
16mutumwa wakandidzikinura pane zvakaipa zvose,
ngaaropafadze vanakomana ava;
zita rangu ngaritumidzwe kwavari,
namazita amadzibaba angu,
Abhurahamu naIsaka,
vawande kwazvo panyika.”
17Zvino Josefa akati achiona kuti baba vake vaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu, hazvina kumufadza, akabata ruoko rwababa vake, kuti arubvise pamusoro waEfuremu, aruise pamusoro waManase. 18Josefa akati kuna baba vake, “Regai kudaro, baba vangu, nokuti ndiye wedangwe, isai ruoko rwenyu pamusoro wake.”
19Baba vake vakaramba, vakati, “Ndinoziva, mwana wangu, ndinoziva; naiyewo achava rudzi, naiye achava mukuruwo, asi mun'una wake achava mukuru kwaari, vana vake vachava ndudzi zhinji.”
20Akavaropafadza nomusi iwoyo, akati, “Newe vaIsiraeri vacharopafadza, vachiti, ‘Mwari ngaakuite saEfuremu naManase.’ ” Akaisa Efuremu pamberi paManase.
21Zvino Isiraeri akati kuna Josefa, “Tarira, ndofa, asi Mwari achava nemi, achakudzoserai kunyika yamadzibaba enyu. 22Newe ndinokupa mugove mumwe kupfuura vamwe vana vababa vako, uya wandakatorera vaAmori nomunondo wangu nouta hwangu.”

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 48: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda