Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 45:4-8

Genesi 45:4-8 SNA2002

Josefa akati kuvana vababa vake, “Doswederai henyu kwandiri.” Zvino vakaswedera. Iye akati, “Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti. Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu. Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo. Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru. Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati wenyika yose yeIjipiti.

Verenga chikamu Genesi 45