Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 41:41-46

Genesi 41:41-46 SNA2002

Zvino Farao akati kuna Josefa, “Tarira, ndakuita mubati panyika yeIjipiti yose.” Farao akabvisa chimhete chake paruoko rwake, akachiisa paruoko rwaJosefa, akamufukidza nguo dzomucheka wakanakisa, akamushongedza chiketani chendarama pamutsipa wake; akamufambisa nengoro yechipiri yaakanga anayo; vakadanidzira pamberi pake, vachiti, “Pfugamai!” Akamuita mubati wenyika yose yeIjipiti. Farao akati kuna Josefa, “Ndini Farao, asi kunze kwako hapana munhu achasimudza ruoko rwake kana rutsoka rwake panyika yose yeIjipiti.” Farao akatumidza Josefa zita rinonzi Zafanatipanea; akamupa Asenati, mukunda waPotifari, mupristi weOni, kuti ave mukadzi wake. Josefa akabuda, akafamba nenyika yose yeIjipiti. Zvino Josefa akanga ana makore makumi matatu, nguva yaakamira pamberi paFarao, mambo weIjipiti. Josefa akabuda pamberi paFarao, akafamba, akapota nenyika yose yeIjipiti.

Verenga chikamu Genesi 41