Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 41:14-36

Genesi 41:14-36 SNA2002

Ipapo Farao akatuma munhu kundodana Josefa, akakurumidza kumubudisa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguo; akapinda kuna Farao. Farao akati kuna Josefa, “Ndarota hope, asi hakuna munhu anogona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira.” Josefa akapindura Farao, akati, “Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare.” Farao akarondedzera kuna Josefa akati, “Pakurota kwangu ndakazviona ndimire pamhenderekedzo yorwizi; ndikaona murwizi muchibuda mhou nomwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka; dzikafura pakati penhokwe; ndikaonazve dzimwe mhou nomwe dzichikwira shure kwadzo dzine nzara, dzakaipa kwazvo, dzakaonda, handina kumboona dzakaipa dzakadai panyika yose yeIjipiti. Zvino mhou idzodzo dzakaonda, dzakaipa, dzikadya, mhou dziya dzakakora dzokutanga; dzakati dzadzidya, hadzina kutongozikanwa kuti dzadzidya; asi dzakanga dzakangoipa sapakutanga. Zvino ndikapepuka. Ndikaonazve pakurota kwangu hura nomwe dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzizere, dzakanaka; ndikaonazve dzimwe hura nomwe, dzakaoma, dzakatetepa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo. Hura idzodzo dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakanaka; ndikaudza n'anga, asi kwakanga kusina munhu akagona kundidudzira izvozvo.” Ipapo Josefa akati kuna Farao, “Kurota kwaFarao ndokumwe; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakazivisa Farao. Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe, nehura nomwe dzakanaka makore manomwewo; kurota ndokumwe. Mhou nomwe dzakaonda, dzakaipa, dzakakwira shure kwaidzodzo, makore manomwe, nehura nomwe dzakaputa, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva, achava makore manomwe enzara. Ndiro shoko randataura kuna Farao; izvo Mwari zvaanoda kuita, ndizvo zvaakaratidza Farao. Tarirai, kunouya makore manomwe amaguta kwazvo panyika yose yeIjipiti; shure kwaiwayo kuchatevera makore manomwe enzara; ipapo maguta ose achakanganikwa panyika yeIjipiti; nzara ichapedza nyika; maguta haangazozikanwi munyika nokuda kwenzara iyoyo inozotevera, nokuti ichanyanya kwazvo. Kurota uku kwakapamhidzwa kuna Farao kaviri, nokuti izvozvo zvakatarwa naMwari, uye Mwari achakurumidza kuzviita. “Naizvozvo Farao ngaatsvake munhu akangwara, akachenjera, amuite mubati wenyika yeIjipiti. Farao ngaaite izvozvo, ngaaise vatariri panyika yose, atore cheshanu chezviyo zvenyika yeIjipiti pamakore manomwe eguta. Ngaaunganidze zvokudya zvose zvamakore iwayo akanaka anouya, avige zviyo nomurayiro waFarao, zvive zvokudya mumaguta; vazvichengete. Zvokudya izvozvo zvichachengeterwa nyika makore manomwe enzara, ichazovapo panyika yeIjipiti, kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.”

Verenga chikamu Genesi 41