Zvino shure kwaizvozvo mukadzi watenzi wake akatarira Josefa, akati, “Vata neni.” Asi iye akaramba, akati kumukadzi watenzi wake, “Tarirai, nokuda kwangu tenzi wangu haarangariri zviri mumba, asi akaisa zvose zvaanazvo pamaoko angu; hakuna mukuru kwandiri paimba ino; haana kundidzivisa chinhu, asi imi moga; nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” Zvino akati ataura naJosefa mazuva ose, iye asingamuteereri kuti avate naye, kana kuva naye, nenguva iyoyo akapinda mumba kuti abate basa rake; makanga musina vamwe varume veimba imomo. Ipapo akamubata nguo yake, akati, “Vata neni;” iye akasiya nguo yake muruoko rwake, akabuda panze. Zvino akati achiona kuti asiya nguo yake muruoko rwake, atiza, aenda, akadana varume veimba yake, akataura navo akati, “Tarirai, iye akauyisa muHebheru pakati pedu kuti atidadire; akapinda kwandiri, kuti avate neni, ndikaridza mhere neizwi guru. Zvino akati achinzwa kuti ndinodanidzirisa ndichiridza mhere, akasiya nguo yake neni, akatiza, akabuda panze.”
Verenga chikamu Genesi 39
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 39:7-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo