Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 39:20-23

Genesi 39:20-23 SNA2002

Tenzi waJosefa akamutora, akamupinza mutorongo, paisungwa vasungwa vamambo; akava mutorongo. Asi Jehovha akava naJosefa, akamuitira tsitsi, kuti anzwirwe ngoni nomutariri wetorongo. Mutariri wetorongo akapa mumaoko aJosefa vasungwa vose vakanga vari mutorongo; iye akanga ari muiti wezvose zvaiitwamo. Mutariri wetorongo akanga asina hanya nechinhu chakanga chiri pamaoko ake, nokuti Jehovha akanga anaye; zvose zvaaiita, Jehovha akazviruramisa.

Verenga chikamu Genesi 39