Jehovha zvino akanga ana Josefa, akaramba achikwirira; akagara mumba matenzi wake muIjipiti. Tenzi wake akaona kuti Jehovha anaye, uye kuti Jehovha akafambisa zvakanaka zvose zvaaiita namaoko ake. Josefa akawana nyasha kwaari, akamubatira; iye akamuita mutariri weimba yake; zvose zvaakanga anazvo akazviisa pamaoko ake. Zvino kubva pakuitwa kwake mutariri weimba yake nowazvose zvaakanga anazvo, Jehovha akaropafadza imba yomuIjipiti nokuda kwaJosefa; kuropafadza kwaJehovha kwakanga kuri pamusoro pezvose zvaakanga anazvo mumba nokumunda. Waisiya zvose zvaakanga anazvo pamaoko aJosefa; iye anaye, haazairangarira chinhu, asi zvokudya zvake zvoga zvaaidya. Zvino Josefa akanga anomuviri wakanaka, akanakawo pachiso.
Verenga chikamu Genesi 39
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 39:2-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo