Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 33

33
Jakobho anosangana naEsau
1Zvino Jakobho akasimudza meso ake, akatarira, akaona Esau achiuya ana varume vana mazana mana. Akagovera vana kuna Rakeri naRea navarandakadzi vaviri. 2Akaisa varandakadzi navana vavo mberi, Rea navana vake shure kwavo, naRakeri naJosefa pakupedzisira. 3Iye pachake akapfuura achivatungamirira, akakotamira pasi kanomwe, kusvikira aswedera pedyo nomukuru wake. 4Ipapo Esau akamhanyira kundosangana naye, akamumbundikira, akawira pamutsipa wake, ndokumutsvoda; vakachema vose. 5Akasimudza meso ake, akaona vakadzi navana, akati, “Ava vaunavo ndivanani?”
Iye akati, “Ndivo vana vakapiwa muranda wenyu naMwari nenyasha dzake.” 6Varandakadzi vakaswedera, ivo navana vavo, vakakotama. 7NaRea navana vake vakaswederawo, vakakotama; pashure Josefa naRakeri vakaswedera, vakakotama. 8Akati, “Ko boka iri rose randasangana naro ndereiko?” Iye akati, “Kuti ndiwane nyasha kuna ishe wangu.”
9Esau akati, “Ini ndine zvizhinji, mun'una wangu; izvo zvaunazvo, ngazvive zvako.” 10Jakobho akati, “Kwete, kana ndawana nyasha kwamuri zvino, ndinokumbira kuti mugamuchire chipo changu paruoko rwangu; nokuti ndaona chiso chenyu, chikaita sechiso chaMwari, mukafara neni. 11Gamuchirai henyu chipo changu chamunopiwa; nokuti Mwari akandiitira nyasha, ndine zvizhinji.” Akamugwaririra, akazochitora.
12Akati, “Ngatipfuure hedu parwendo rwedu, tiende, ini ndichakutungamirira.” 13Iye akati kwaari, “Ishe wangu anoziva kuti vana vachiri vaduku, uye kuti makwai nemombe zvandinazvo zvinoyamwisa; kana vakazvitinhisa zuva rimwe, zvipfuwo zvose zvichafa. 14Ishe wangu ngaapinde hake mberi kwomuranda wake; ini ndichanyatsozvisesedza sezvazvinogona kufamba, izvo zvipfuwo zviri pamberi pangu, navana sezvavanogona kufamba, kudzimara ndasvika kuna ishe wangu paSeiri.”
15Esau akati, “Zvino ngandisiye kwauri vamwe vanhu vandinavo.” Iye akati, “Muchaitireiko kudaro? Ndiwane hangu nyasha kuna ishe wangu.” 16Naizvozvo Esau akadzoka zuva iroro, akaenda Seiri. 17Asi Jakobho akaenda Sukoti, akazvivakira imba, akaitira zvipfuwo zvake matanga; naizvozvo zita renzvimbo iyoyo rakanzi Sukoti.
18Jakobho akasvika zvakanaka kuguta reShekemu, riri panyika yeKenani, pakubva kwake paPadhanaramu; akadzika matende ake pakatarisana neguta. 19Akatenga rutivi rwenyika, paakanga apetenura tende rake, kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari. 20Akavakapo atari, akaritumidza zita rinonzi ErieroheIsiraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 33: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda