Asi Jakobho akasara ari oga; mumwe murume akaita mitsimba naye kusvikira utonga huchitsvuka. Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka nemitsimba naye. Iye akati, “Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka.” Iye akati, “Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza.” Akati kwaari, “Zita rako ndianiko?” Iye akati, “Jakobho.” Akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Isiraeri; nokuti wakarwa naMwari navanhu, ukakunda.” Jakobho akamubvunza, akati, “Ndiudzeiwo zita renyu.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamuropafadza ipapo. Zvino Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Penieri; nokuti akati, “Ndakaonana naMwari, upenyu hwangu hukachengetwa.” Zuva rikamubudira achipfuura napaPenieri; akakamhina pahudyu yake.
Verenga chikamu Genesi 32
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 32:24-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo