Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri navarandakadzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka pazambuko raJakobho. Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo. Asi Jakobho akasara ari oga; mumwe murume akaita mitsimba naye kusvikira utonga huchitsvuka. Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka nemitsimba naye. Iye akati, “Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka.” Iye akati, “Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza.” Akati kwaari, “Zita rako ndianiko?” Iye akati, “Jakobho.” Akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Isiraeri; nokuti wakarwa naMwari navanhu, ukakunda.” Jakobho akamubvunza, akati, “Ndiudzeiwo zita renyu.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamuropafadza ipapo.
Verenga chikamu Genesi 32
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 32:22-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo