Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 32:1-32

Genesi 32:1-32 SNA2002

Zvino Jakobho akaenda nenzira yake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye. Akati achivaona, Jakobho akati, “Ihondo yaMwari;” akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Mahanaimi. Zvino Jakobho akatuma nhume pamberi pake kuna Esau, mukuru wake, kunyika yeSeiri, munyika yeEdhomu. Akavaraira, akati, “Taurai nashe wangu, Esau, muti, ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndakanga ndiri mutorwa kuna Rabhani, ndikagarako kusvikira zvino; ndine mombe, nembongoro, namakwai, navaranda, navarandakadzi; ndatuma vanhu kuzoudza ishe wangu izvozvi, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu.’ ” Nhume dzikadzokera kuna Jakobho, dzikati, “Takandosvika kumukuru wenyu Esau; naiye anouya kuzosangana nemi ana varume vana mazana mana.” Jakobho akatya kwazvo, akatambudzika; akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo, namakwai nemombe namakamera, akaita mapoka maviri; akati, “Kana Esau akasvika kune rimwe boka, akariparadza, boka rakasara ringatiza.” Zvino Jakobho akati, “Imi, Mwari wababa vangu Abhurahamu, naMwari wababa vangu Isaka; imi Jehovha, ndimi makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yako, nokuhama dzako, ndigokuitira zvakanaka’; handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose nokutendeka kwenyu kwose kwamakaitira muranda wenyu; nokuti ndakayambuka Jorodhani urwu netsvimbo yangu yoga; zvino ndava mapoka maviri. Dondirwirai paruoko rwomukuru wangu, paruoko rwaEsau; nokuti ndinomutya, kuti achauya akandiparadza ini, namai, pamwechete navana. Ndimi makati, ‘Zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka, ndichaitawo rudzi rwako sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa nokuwanda kwaro.’ ” Akavatapo usiku ihwohwo; akatora zvimwe kune zvaakanga anazvo, kuti chive chipo kuna Esau, mukuru wake; zvaiti: Nhunzvi dzembudzi dzina mazana maviri, nenhongo dzina makumi maviri, namatunzvi amakwai ana mazana maviri, namakondohwe ana makumi maviri, namakamera anokamwa ana makumi matatu nemhuru dzawo, nemhou dzemombe dzina makumi mana, nehando dzemombe dzine gumi, namakadzi embongoro ana makumi maviri, nemhuru dzine gumi. Akazvipa mumaoko avaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga; akati kuvaranda vake, “Yambukai pamberi pangu, musiye runhambo pakati peboka rimwe nerimwe.” Akaraira wokutanga, akati, “Kana Esau, mukuru wangu, akasangana newe, akabvunza, achiti, ‘Uri munhu waaniko? Unoendepiko? Izvi zviri pamberi pako ndezvaani?’ Uti, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho; chipo chakatumirwa ishe wangu Esau; tarirai, naiye ari kumashure kweduwo;’ ” akarairawo wechipiri newechitatu, navose vakanga vachitevera mapoka, akati, “Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muchidaro; muti, ‘Tarirai, naiye muranda wenyu Jakobho ari mumashure medu.’ ” Nokuti akati, “Ndichambomunyaradza nechipo chinonditungamirira, ndigoti ndoona chiso chake; zvimwe achandigamuchira.” Naizvozvo chipo chakayambutswa mberi kwake; asi iye pachake akavata usiku ihwohwo pakati peungano. Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri navarandakadzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka pazambuko raJakobho. Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo. Asi Jakobho akasara ari oga; mumwe murume akaita mitsimba naye kusvikira utonga huchitsvuka. Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka nemitsimba naye. Iye akati, “Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka.” Iye akati, “Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza.” Akati kwaari, “Zita rako ndianiko?” Iye akati, “Jakobho.” Akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Isiraeri; nokuti wakarwa naMwari navanhu, ukakunda.” Jakobho akamubvunza, akati, “Ndiudzeiwo zita renyu.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamuropafadza ipapo. Zvino Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Penieri; nokuti akati, “Ndakaonana naMwari, upenyu hwangu hukachengetwa.” Zuva rikamubudira achipfuura napaPenieri; akakamhina pahudyu yake. Naizvozvo vana vaIsiraeri havadyi nanhasi runda rehudyu riri papfupa rehudyu; nokuti akabata hudyu yaJakobho parunda rehudyu.

Verenga chikamu Genesi 32