Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 31

31
Jakobho anotiza
1Zvino Jakobho akanzwa mashoko avanakomana vaRabhani, vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu; azviwanira pfuma yose iyi kune zvaiva zvababa vedu.” 2Jakobho akaonawo kuti chiso chaRabhani chakanga chisakaita kwaari sapakutanga. 3Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako, nokuhama dzako; ini ndichava newe.”
4Ipapo Jakobho akatuma munhu kundodana Rakeri naRea vauye kusango kuzvipfuwo zvake; 5akati kwavari, “Ndinoona kuti chiso chababa venyu hachizakaita kwandiri sapakutanga; asi Mwari wababa vangu akanga aneni. 6Munoziva kuti ndakabatira baba venyu nesimba rangu rose. 7Baba venyu vakandinyengedzera, vakashandura mubayiro wangu kagumi; asi Mwari haana kutendera kuti vandiitire zvakaipa. 8Kana vakati, ‘Zvina mavara ngazvive mubayiro wako, zvipfuwo zvose ndokubereka zvina mavara;’ kana vakati, ‘Zvine mitsetse ngazvive mubayiro wako,’ zvipfuwo zvose ndokubereka zvine mitsetse. 9Naizvozvo Mwari akatorera baba venyu zvipfuwo zvavo, akandipa ini izvozvo.
10“Zvino zvipfuwo zvakati zvichitora mazamu, ndakatarira ndikaona pakurota kwangu nhongo, dzakanga dzichikwira zvipfuwo, dzakanga dzine mitsetse, namavara, nedzakaita pfumbu. 11Ipapo mutumwa waMwari akati kwandiri pakurota kwangu, ‘Jakobho!’ Ini ndikati, ‘Ndiri pano hangu.’ 12Akati, ‘Zvino tarira, uone, kuti nhongo dzose, dzinokwira zvipfuwo, dzinemitsetse, namavara, dzakaita pfumbu; nokuti ndazviona zvose Rabhani zvaanoita kwauri. 13Ndini Mwari weBheteri, paya pawakazodza shongwe, paya pawakandipikira mhiko; zvino simuka, ubve munyika ino, udzokere kunyika kwawakaberekerwa.’ ”
14Ipapo Rakeri naRea vakapindura vakati kwaari, “Ko tichine mugove nenhaka kuimba yababa vedu here? 15Hatizi tatova vatorwa kwavari here? Nokuti vakatitengesa, vakapedzawo chose mutengo wedu. 16Nokuti pfuma yose, yakatorerwa baba vedu naMwari, ndeyedu neyavana vedu; naizvozvo zvino chiita hako sezvawaudzwa naMwari.”
17Ipapo Jakobho akasimuka, akatasvisa vana vake navakadzi vake pamakamera; 18akatora zvipfuwo zvake zvose, nepfuma yake yose, yaakanga aunganidza, zvipfuwo zvaakanga apfuwa, zvaakanga aunganidza paPadhanaramu, kuti aende kuna Isaka baba vake, kunyika yeKenani. 19Zvino Rabhani akanga aenda kundoveura makushe amakwai ake; Rakeri akaba chifananidzo chainamatwa chababa vake. 20Jakobho akanyengedzera Rabhani, muAramu, nokuti haana kumuudza kuti ndotiza. 21Naizvozvo akatiza nezvose zvaakanga anazvo; akasimuka, akayambuka Rwizi, akaringira kugomo reGiriadhi.
22Zvino nomusi wetatu Rabhani akaudzwa kuti Jakobho watiza. 23Iye akaenda nehama dzake, akamuteverera rwendo rwamazuva manomwe; akandomubata kugomo reGiriadhi. 24Mwari akauya kuna Rabhani, muAramu, pakurota usiku, akati kwaari, “Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho chinhu, kana chakanaka kana chakaipa.” 25Rabhani akasvika kuna Jakobho. Zvino Jakobho akanga adzika tende rake mugomo; Rabhani nehama dzake vakadzika matende avowo mugomo reGiriadhi.
26Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Waita seiko iwe, nokuti wandinyengedzera, ukaenda navakunda vangu vakaita savakatapwa nomunondo? 27Watizireiko pakavanda, ukandinyengedzera; wakaregerei kundiudza, ndikakutendera kuti uende nomufaro, nenziyo, nengoma, norudimbwa? 28Hauna kunditendera kuti nditsvode vanakomana vangu navakunda vangu. Zvino waita sebenzi. 29Ndine simba paruoko rwangu rokuitira zvakaipa; asi Mwari wababa vako akataura neni usiku hwazuro, akati, ‘Chenjera, kuti urege kutaura kuna Jakobho kana chakanaka kana chakaipa.’ 30Zvino, kana wakada kuenda hako, zvawakanga uchishuva zvikuru imba yababa vako, wagobireiko vamwari vangu?”
31Jakobho akapindura, akati kuna Rabhani, “Nokuti ndakanga ndichitya, nokuti ndakati, ‘Zvimwe munganditorera vakunda venyu nesimba.’ 32Iye wamungawana ana vamwari venyu, ngaarege kurarama. Zvino hama dzedu dzichiriko, natsai kutsvaka zvinhu zvenyu zviri kwandiri, mugozvitora;” nokuti Jakobho akanga asingazivi kuti Rakeri akanga azviba.
33Zvino Rabhani akapinda mutende raJakobho, nomutende raRea, nomutende ravarandakadzi vaviri, asi haana kuzviwana. Ipapo akabuda patende raRea, akapinda patende raRakeri. 34Zvino Rakeri akanga atora vamwari, akavaisa muchigaro chekamera, akagara pamusoro pazvo. Rabhani akabata-bata pose mutende, asi haana kuzviwana. 35Iye akati kuna baba vake, “Ishe wangu ngaarege kutsamwa, nokuti handigoni kusimuka pamberi penyu; nokuti mutoo wavakadzi uri kwandiri.” Iye akatsvakisisa, asi haana kuwana vamwari.
36Zvino Jakobho akatsamwa, akapopotera Rabhani; Jakobho akapindura akati kuna Rabhani, “Kudarika kwangu ndokweiko? Ko kutadza kwangu ndokwei, zvamanditevera neshungu dzakadai? 37Zvino zvamabata-bata nhumbi dzangu dzose, magowaneiko panhumbi dzose zvokumba kwenyu? Zviisei pano pamberi pehama dzangu nedzenyu, vatonge pakati pedu isu vaviri. 38Ndakagara nemi makore aya makumi maviri; matunzvi enyu amakwai nenhunzvi dzenyu dzembudzi hazvina kusvodza, makondohwe enyu amakwai handina kuadya. 39Zvakarumwa nezvikara handina kuuya nazvo kwamuri; asi ndakazviripa ini; makazvireva pamaoko angu, kana zvakabiwa masikati, kana zvakabiwa usiku. 40Masikati ndakafa nezuva, usiku nechando; hope dzangu dzikabva kumeso angu. 41Makore aya makumi maviri ndakagara mumba menyu; ndakakubatirai makore ane gumi namana pamusoro pavakunda venyu vaviri, namakore matanhatu pamusoro pezvipfuwo zvenyu; mukashandura mubayiro wangu kagumi. 42Dai Mwari wababa vangu, Mwari waAbhurahamu, iye wakatyiwa naIsaka, asaiva neni, zvirokwazvo mungadai maindiendesa ndisina chinhu. Mwari akaona kutambudzika kwangu namabasa amaoko angu, akakurairai usiku hwazuro.” 43Rabhani akapindura, akati kuna Jakobho, “Vakunda ava vakunda vangu; vana ava vana vangu; zvipfuwo izvi zvipfuwo zvangu, nezvose zvaunoona ndezvangu; nhasi ndingaitei kuvakunda vangu ava, kana vana vavo vavakazvara? 44Uya zvino ngatiite sungano, ini newe; chive chapupu pakati pangu newe.”
45Jakobho akatora ibwe, akarimisa, rikava shongwe. 46Jakobho akati kuhama dzake, “Unganidzai mabwe;” ivo vakatora mabwe, vakaita murwi; vakadya ipapo pamurwi. 47Rabhani akautumidza Jegarisahadhuta; asi Jakobho akautumidza Garidhi. 48Rabhani akati, “Murwi uyu ngachive chapupu pakati pangu newe zuva ranhasi.” Naizvozvo akatumidzwa zita rinonzi Garidhi, 49uyewo Mizipa, nokuti akati, “Jehovha ngaarinde pakati pangu newe, kana tisingaonani. 50Kana ukazotambudza vakunda vangu, kana kuwana vamwe vakadzi kunze kwavakunda vangu, hakuna munhu achava nesu; asi tarira, Mwari ndicho chapupu pakati pangu newe.” 51Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Tarira murwi uyu, tarira shongwe iyi, yandakamisa pakati pangu newe. 52Murwi uyu chichava chapupu, neshongwe iyi chichava chapupu, kuti ini handingapfuuri murwi uyu, neshongwe iyi, uchienda kwandiri, kuti tiitirane zvakaipa. 53Mwari waAbhurahamu, Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Jakobho akapika naiye waityiwa naIsaka, baba vake. 54Ipapo Jakobho akabayira chibayiro mugomo; akakoka hama dzake kuti vadye zvokudya; vakadya zvokudya, vakavata usiku mugomo. 55Rabhani akamuka mangwanani, akatsvoda vanakomana vake navakunda vake, akavaropafadza; Rabhani akabva, akadzokera kumusha kwake.

Zvasarudzwa nguva ino

Genesi 31: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda