Vakanzwa izwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda. Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, “Uripiko?” Iye akati, “Ndakanzwa izwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.” Iye akati, “Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kani muti wandakakuraira kuti urege kuudya?” Munhu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.” Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko icho chawakaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.” Jehovha Mwari akati kunyoka, “Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako. Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.”
Verenga chikamu Genesi 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 3:8-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo