Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 3:6-13

Genesi 3:6-13 SNA2002

Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo. Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguo. Vakanzwa izwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda. Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, “Uripiko?” Iye akati, “Ndakanzwa izwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.” Iye akati, “Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kani muti wandakakuraira kuti urege kuudya?” Munhu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.” Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko icho chawakaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.”

Verenga chikamu Genesi 3