Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 3:10-13

Genesi 3:10-13 SNA2002

Iye akati, “Ndakanzwa izwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.” Iye akati, “Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kani muti wandakakuraira kuti urege kuudya?” Munhu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.” Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko icho chawakaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.”

Verenga chikamu Genesi 3

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neGenesi 3:10-13