Zvino Rabhani akati kuna Jakobho, “Ko ungandibatira usingapiwi mubayiro, nokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako uve weiko.” Zvino Rabhani akanga ana vakunda vaviri; zita romukuru rakanga riri Rea, nezita romuduku Rakeri. Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga akanaka kwazvo pamuviri napachiso.
Zvino Jakobho akanga achida Rakeri, akati, “Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.”
Rabhani akati kwaari, “Zviri nani kuti ndimupe iwe, ndirege kumupa mumwe murume; gara hako neni.” Jakobho akamubatira makore manomwe pamusoro paRakeri; asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti akanga achimuda.
Zvino Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu, nokuti mazuva angu asvika, kuti ndipinde kwaari.” Rabhani akakoka vanhu vose voko, akaita mutambo. Zvino kuzoti ava madeko, akatora Rea, mukunda wake, akamuisa kwaari; iye akapinda kwaari. Rabhani akapa Rea, mukunda wake Ziripa, murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake. Zvino mangwana akaona kuti ndiRea; akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chawandiitira? Handina kukubatira pamusoro paRakeri here? Wandinyengedzera seiko?”
Rabhani akati, “Hakunzarwo kuno kwedu, kuti mun'una atange kuwaniswa, mukuru achigere. Pedzisa vhiki yewaniso naiyeyu, tigokupa mumwewo pamusoro pebasa rauchandibatira mamwe makore manomwezve.”
Jakobho akaita saizvozvo, akapedza vhiki yewaniso naye; akamupa Rakeri, mukunda wake, kuti ave mukadzi wake. Rabhani akapa Rakeri, mukunda wake, Bhiriha murandakadzi wake, kuti ave mushandiri wake. Akapindawo kuna Rakeri, akada Rakeriwo kupfuura Rea, akamubatira mamwe makore manomwezve.