Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 27:5-13

Genesi 27:5-13 SNA2002

Zvino Rabheka akanzwa Isaka achitaura naEsau, mwanakomana wake. Esau akaenda kusango kundovhima mhuka, kuti auye nayo. Rabheka akataura naJakobho, mwanakomana wake, akati, “Tarira, ndanzwa baba vako vachitaura naEsau, mukoma wako, vachiti, ‘Nditorere mhuka, undigadzirire nyama yakanaka, kuti ndiidye, ndikuropafadze pamberi paJehovha ndisati ndafa.’ Zvino mwana wangu, teerera izwi rangu sezvandinokuraira. Enda zvino kuzvipfuwo, unditorerepo mbudzana mbiri dzakanaka, ndigadzirire baba vako nadzo nyama yakanaka, sezvavanoda; ugoenda nayo kuna baba vako, vadye, kuti vakuropafadze vasati vafa.” Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, “Tarirai, Esau, mukoma wangu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere. Zvimwe baba vangu vachandibata-bata, ndikava somunyengedzeri pamberi pavo, ndikazviuyisira kutukwa pachigaro chokuropafadzwa.” Mai vake vakati kwaari, “Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwana wangu; teerera hako izwi rangu, uende unditorere idzo.”

Verenga chikamu Genesi 27