Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 27:1-36

Genesi 27:1-36 SNA2002

Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwanakomana wake mukuru, akati kwaari, “Mwana wangu;” iye akati kwaari, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Tarira zvino ndakwegura; handizivi zuva rokufa kwangu. Zvino tora hako nhumbi dzako dzokuvhima nadzo, dzinoti goba rako, nouta hwako, uende kusango undivhimire mhuka; undigadzirire nyama yakanaka, sezvandinoda, uuye nayo kwandiri, ndidye, mweya wangu ukuropafadze, ndisati ndafa.” Zvino Rabheka akanzwa Isaka achitaura naEsau, mwanakomana wake. Esau akaenda kusango kundovhima mhuka, kuti auye nayo. Rabheka akataura naJakobho, mwanakomana wake, akati, “Tarira, ndanzwa baba vako vachitaura naEsau, mukoma wako, vachiti, ‘Nditorere mhuka, undigadzirire nyama yakanaka, kuti ndiidye, ndikuropafadze pamberi paJehovha ndisati ndafa.’ Zvino mwana wangu, teerera izwi rangu sezvandinokuraira. Enda zvino kuzvipfuwo, unditorerepo mbudzana mbiri dzakanaka, ndigadzirire baba vako nadzo nyama yakanaka, sezvavanoda; ugoenda nayo kuna baba vako, vadye, kuti vakuropafadze vasati vafa.” Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, “Tarirai, Esau, mukoma wangu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere. Zvimwe baba vangu vachandibata-bata, ndikava somunyengedzeri pamberi pavo, ndikazviuyisira kutukwa pachigaro chokuropafadzwa.” Mai vake vakati kwaari, “Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwana wangu; teerera hako izwi rangu, uende unditorere idzo.” Iye akaenda, akadzitora, akadziisa kuna mai vake; mai vake vakagadzira nyama yakanaka, yaidikanwa nababa vake. Zvino Rabheka akatora nguo dzakaisvonaka dzaEsau, mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, akadzifukidza Jakobho, mwanakomana wake muduku; akaisa nguo dzembudzana pamaoko ake, napamutsipa wake pakanga pasina mvere; akaisa nyama yakanaka nechingwa, zvaakanga agadzira, muruoko rwaJakobho, mwanakomana wake. Iye akaenda kuna baba vake, akati, “Baba vangu;” ivo vakati, “Ndiri pano hangu; ndiwe aniko mwana wangu?” Jakobho akati kuna baba vake, “Ndini Esau, dangwe renyu; ndaita sezvamandiraira; simukai henyu, mugare, mudye nyama yangu yemhuka, mweya wenyu undiropafadze.” Isaka akati kumwanakomana wake, “Wakurumidza seiko kuiwana, mwana wangu?” Iye akati, “Nokuti Jehovha, Mwari wenyu, waituma pamberi pangu.” Isaka akati kuna Jakobho, “Chimboswedera hako, ndikubate-bate, mwana wangu, kuti ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau chaiye, kana kuti hausi iwe.” Jakobho akaswedera kuna Isaka, baba vake; ivo vakamubatabata, vakati, “Izwi, izwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau.” Asi haana kumuziva, nokuti maoko ake akanga aine mvere, samaoko omukuru wake Esau; akamuropafadza. Akati, “Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here?” Iye akati, “Ndini iye.” Akati, “Uiswededze pedyo neni, kuti ndidye nyama yemhuka yomwanakomana wangu, mweya wangu ukuropafadze.” Iye akaiswededza pedyo naye, akadya; akamupawo waini, akanwa. Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, “Swedera zvino unditsvode, mwana wangu.” Akaswedera, akamutsvoda; akanzwa munhuwi wenguo dzake, akamuropafadzwa, akati, “Tarira munhuwi womwanakomana wangu wakaita somunhuwi wesango rakaropafadzwa naJehovha; Mwari ngaakupe dova rokudenga, mafuta enyika, nezviyo newaini zvakawanda. Vanhu ngavakushumire, marudzi ose ngaakupfugamire; uve ishe wehama dzako, vanakomana vamai vako ngavakupfugamire; vose vanokutuka ngavatukwe, vose vanokuropafadza ngavaropafadzwe.” Zvino Isaka wakati apedza kuropafadza Jakobho, Jakobho achangobuda pamberi paIsaka baba vake, Esau mukoma wake, akapinda, achibva pakuvhima kwake. Naiye akagadzira nyama yakanaka, akaenda nayo kuna baba vake; akati kuna baba vake, “Baba vangu ngavasimuke, ngavadye nyama yemhuka yomwanakomana wavo, kuti mweya wenyu undiropafadze.” Ipapo Isaka baba vake vakati, “Ndiwe aniko?” Iye akati, “Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu Esau.” Isaka akabvunda kwazvo-kwazvo, akati, “Ndianiko wakanga avhima mhuka, akauya nayo kwandiri ndikadya zvose, iwe usati wasvika, ndikamuropafadza? Hongu, zvirokwazvo iye acharopafadzwa hake.” Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema kukuru kunorwadza mwoyo, akati kuna baba vake, “Ndiropafadzei neniwo, baba vangu!” Akati, “Mun'una wako wakauya nokunyengedzera, akatora kuropafadzwa kwako.” Iye akati, “Haana kutumidzwa zita rakamufanira here, rokuti Jakobho? Nokuti zvino wandinyengedzera kaviri; wambonditorera udangwe hwangu, zvino tarira, wanditorera kuropafadzwa kwangu.” Akati, “Hamuna kundichengeterawo kuropafadzwa here?”

Verenga chikamu Genesi 27