Genesi 26
26
Isaka ari paGerari anoita sungano naAbhimereki
1Zvino nzara yakanga iripo panyika; isati iri nzara yakanga iripo pamazuva aAbhurahamu. Isaka akenda Gerari kuna Abhimereki, mambo wavaFirisitia. 2Jehovha akazviratidzazve kwaari akati, “Usaburukira Ijipiti, gara munyika yandakakuudza; 3gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndichava newe, ndichakuropafadza; nokuti ndichakupa iwe, navana vako, nyika idzi dzose; ndichasimbisa mhiko yandakapikira Abhurahamu, baba vako; 4ndichawanza vana vako senyeredzi dzedenga; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako; 5nokuti Abhurahamu wakateerera izwi rangu, akachengeta zvandakamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu.” 6Isaka akagara Gerari; 7vanhu venyika iyoyo vakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, “Ihanzvadzi yangu;” nokuti wakanga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, “Zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraya nokuda kwaRabheka;” nokuti akanga akanaka kumeso. 8Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napawindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mukadzi wake. 9Ipapo Abhimereki akadana Isaka akati, “Tarira, zvirokwazvo mukadzi wako; wakataura seiko uchiti, ‘Ihanzvadzi yangu?’ ” Isaka akati kwaari, “Nokuti ndakati, ‘Zvimwe ndingafa nokuda kwake.’ ”
10Abhimereki akati kwaari, “Ndokudiniko kuti watiitira chinhu ichi? Dai mumwe wavanhu aivata nomukadzi wako, ungadai watiisa pamhosva.” 11Abhimereki akaraira vanhu vose, akati, “Anobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo.”
12Zvino Isaka akadyara zviyo munyika iyoyo, akawana gore iro rune zana; Jehovha akamuropafadza. 13Munhu uyu akava mukuru, akaramba achiwedzerwa, kusvikira ava mukuru kwazvo; 14akanga aine pfuma yamakwai, neyemombe, nemhuri huru; vaFirisitia vakamugodora. 15VaFirisitia vakadzivira matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake pamazuva ababa vake Abhurahamu, vakaafutsira nevhu.
16Abhimereki akati kuna Isaka, “Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba.” 17Isaka akabvapo, akandodzika matende ake mumupata weGerari, akagarapo. 18Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.
19Varanda vaIsaka vakachera mumupata, vakawanapo tsime remvura inotubuka. 20Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, “Imvura yedu;” akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye.
21Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairorozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina. 22Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, “Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino.”
23Akabvapo, akakwira Bheerishebha; 24Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo, akati, “Ndini Mwari waAbhurahamu, baba vako; usatya, nokuti ndinewe, ndichakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuda kwaAbhurahamu, muranda wangu.” 25Akavakapo atari, akanamata zita raJehovha, akadzika tende rake ipapo; varanda vaIsaka vakacherapo tsime. 26Ipapo Abhimereki akaenda kwaari, achibva Gerari, aine shamwari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake. 27Isaka akati kwavari, “Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzinga kwamuri?”
28Ivo vakati, “Takaona kwazvo kuti Jehovha anewe, tikati, ‘Zvino mhiko ngaivepo pakati pedu, pakati pedu newe, tiite sungano newe; 29kuti urege kutiitira zvakaipa, sezvatisina kukubata iwe, sezvatakakuitira zvakanaka bedzi, tikakuendesa norugare;’ zvino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehovha.” 30Iye akavagadzirira zvokudya, vakadya, vakanwa, 31vakamuka mangwanani, vakapikirana; ipapo Isaka akavatendera kuenda, vakabva kwaari norugare.
32Nomusi iwoyo varanda vaIsaka vakauya, vakamuudza kuti vakanga vachera tsime, vakati kwaari, “Mvura taiwana.” 33Akaritumidza zita rinonzi Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvikira zuva ranhasi.
34Zvino Esau wakati asvika makore makumi mana, akawana Judhisi, mukunda waBheeri, muHeti, naBhasimati, mukunda waEroni, muHeti; 35ivavo vakarwadza mwoyo waIsaka naRabheka.
Zvasarudzwa nguva ino
Genesi 26: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002