Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 24:12-19

Genesi 24:12-19 SNA2002

akati, “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahamu, ndifambisei henyu zvakanaka nhasi; muitire tenzi wangu Abhurahamu ngoni. Tarirai ndimire patsime remvura, vakunda vavanhu veguta vobuda kuzochera mvura. Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari, ‘Nditurirewo chirongo chako, ndinwe’; kana akati, ‘Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo;’ ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni.” Zvino wakanga asati apedza kutaura, Rabheka, wakaberekerwa Bhetueri, mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori, mun'una waAbhurahamu, wakasvika ane chirongo pafudzi rake. Zvino musikana uyu wakanga akanaka kwazvo pameso ake, mhandara isina kumboziviwa nomurume; akaburukira kutsime, akazadza chirongo chake, akakwirazve. Ipapo muranda wakamhanyira kundosangana naye, akati, “Dondipawo mvura pachirongo chako, ndinwe.” Iye akati, “Inwai henyu, ishe wangu;” akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake, akamunwisa. Wakati apedza kumunwisa, akati, “Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta.”

Verenga chikamu Genesi 24