Zvino Jehovha wakashanyira Sara, sezvaakataura; Jehovha akaitira Sara sezvaakavaudza. Sara akava nemimba, akaberekera Abhurahamu mwanakomana pakukwegura kwake nenguva iyeyo yakanga yarehwa naMwari. Abhurahamu akatumidza mwanakomana wake, waakaberekerwa naSara, zita rinonzi Isaka. Abhurahamu akadzingisa mwanakomana wake Isaka aita mazuva masere, sezvaakarairwa naMwari. Abhurahamu wakanga asvika makore ane zana, nguva yaakaberekerwa mwanakomana wake Isaka. Ipapo Sara akati, “Mwari wandisekesa; vose, vanonzwa izvozvi, vachaseka neni.” Akati, “Ndianiko waitongoti kuna Abhurahamu, ‘Sara achayamwisa vana?’ Nokuti ndakamuberekera mwanakomana pakukwegura kwake.”
Mwanakomana wakazokura, akarumurwa; Abhurahamu akaita mutambo mukuru nomusi wokurumurwa kwaIsaka. Zvino Sara akaona mwanakomana waHagari, muIjipiti, waakaberekera Abhurahamu, achiseka. Saka wakati kuna Abhurahamu, “Dzinga mubatiri uyu nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womubatiri uyu haangadyi nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaka.” Shoko iro rakanga rakaipa kwazvo kuna Abhurahamu, nokuda kwomwanakomana wake. Ipapo Mwari akati kuna Abhurahamu, “Ngazvirege hazvo kuva zvakaipa kwauri nokuda kwomukomana nokwo mubatiri wako; uteerere Sara pazvinhu zvose zvaanotaura kwauri, nokuti rudzi rwako ruchatumidzwa nezita raIsaka. Naiye mwanakomana womubatiri ndichamuita rudzi rukuruwo, nokuti mwanakomana wako.”
Abhurahamu akamuka mangwanani, akatora chingwa neguchu remvura, akapa Hagari, akazviisa pafudzi rake, nomwanawo, akamuendesa; iye akaenda akandodzungaira murenje reBheerishebha. Mvura yeguchu yakati yapera, akakanda mwana pasi munyasi megwenzi; iye akandogara pasi pakatarisana naye nhambwe inenge ingasvika museve kana wapotserwa, nokuti wakati, “Ndirege kuona hangu mwana achifa.” Akagara pakatarisana naye, akachema kwazvo.
Mwari akanzwa izwi romukomana; mutumwa waMwari akadanidzira kuna Hagari, ari kudenga, akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya, nokuti Mwari wanzwa izwi romukomana apo paari. Simuka usimudze mukomana, umubate noruoko rwako, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.” Ipapo Mwari akasvinudza meso ake, akaona tsime remvura; akaenda, akazadza guchu nemvura, akanwisa mukomana. Mwari akava nomukomana, akakura, akagara murenje, akava munhu anopfura nouta. Akagara murenje reParani, mai vake vakamutorera mukadzi kunyika yeIjipiti.
Zvino nenguva iyo Abhimereki naPikori, mukuru wehondo yake, vakataura naAbhurahamu, vakati, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita; naizvozvo zvino ndipikire pano naMwari kuti haungandinyengeri ini, kana vana vangu, kana vana vavana vangu; asi sezvandakakuitira tsitsi, uitewo saizvozvo kwandiri, nokunyika mawakagara uri mutorwa.” Abhurahamu akati, “Ndichapika.”
Asi Abhurahamu akatuka Abhimereki nokuda kwetsime remvura rakanga ratorwa nesimba navaranda vaAbhimereki. Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo, newe hauna kundiudza, ini handina kumbozvinzwa, asi nhasi.” Abhurahamu akatora makwai nenzombe, akapa Abhimereki, ivo vaviri vakaita sungano. Abhurahamu akaraura zvisheche zvinomwe zvamakwai; Abhimereki akati kuna Abhurahamu, “Ko zvisheche izvi zvinomwe zvawaraura ndezveiko?”
Iye akati, “Zvisheche izvi zvinomwe uzvigamuchire paruoko rwangu, chive chapupu changu, kuti ndini ndakachera tsime iri.” Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bheerishebha, nokuti ndipo pavakapika ivo vaviri. Saizvozvo vakaita sungano paBheerishebha; Abhimereki akasimuka, naPikori, mukuru wehondo yake, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. Abhurahamu akasima muti womutamarisiki paBheerishebha, akanamatapo zita raJehovha Mwari asingaperi. Abhurahamu akagara ari mutorwa panyika yavaFirisitia mazuva mazhinji.