Ndiko kuvamba kwedenga nenyika, musi wazvakasikwa: Nezuva iroro Jehovha Mwari raakasika naro nyika nedenga, makwenzi esango akanga achigere kuvapo panyika, nemiriwo yesango yakanga ichigere kumera; nokuti Jehovha Mwari akanga asati anaisa mvura panyika, uye kwakanga kusina munhu kuzorima pasi; asi mhute yaisikwira ichibva panyika ichinyorevesa nyika yose. Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu. Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisapo munhu aakanga aumba. Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. MuEdheni mukabuda rwizi kuzodiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hova ina. Zita rorwokutanga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo; ndarama yenyika iyoyo yakanaka; uyewo pane dheriumu nebwe reonikisi. Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi. Zita rorwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi. Jehovha Mwari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti aurime nokuuchengeta. Jehovha Mwari akaraira munhu achiti, “Ungadya hako miti yose yomunda, asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zviro kwazvo.”
Verenga chikamu Genesi 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 2:4-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo