Zvino Sarai, mukadzi waAbhuramu, wakanga asingamuberekeri vana; iye wakanga aine murandakadzi, muIjipiti, wainzi Hagari. Sarai akati kuna Abhuramu, “Tarira Jehovha wakandikonesa kubereka, pinda hako kumurandakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye.” Abhuramu akateerera shoko raSarai. Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu, wakatora Hagari muIjipiti, murandakadzi wake; Abhuramu zvino wakanga agara makore ane gumi panyika yeKenani akamupa Abhuramu, murume wake, kuti ave mukadzi wake. Akapinda kuna Hagari, iye akatora mimba; zvino wakati aona kuti wava nemimba, akashora vatenzi vake.
Verenga chikamu Genesi 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 16:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo