Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 16:1-14

Genesi 16:1-14 SNA2002

Zvino Sarai, mukadzi waAbhuramu, wakanga asingamuberekeri vana; iye wakanga aine murandakadzi, muIjipiti, wainzi Hagari. Sarai akati kuna Abhuramu, “Tarira Jehovha wakandikonesa kubereka, pinda hako kumurandakadzi wangu, zvimwe ndingawana vana naye.” Abhuramu akateerera shoko raSarai. Zvino Sarai mukadzi waAbhuramu, wakatora Hagari muIjipiti, murandakadzi wake; Abhuramu zvino wakanga agara makore ane gumi panyika yeKenani akamupa Abhuramu, murume wake, kuti ave mukadzi wake. Akapinda kuna Hagari, iye akatora mimba; zvino wakati aona kuti wava nemimba, akashora vatenzi vake. Ipapo Sarai akati kuna Abhuramu, “Kukanganiswa kwangu ngakuve pamusoro pako; ndini ndakapa murandakadzi wangu pachipfuva chako, zvino iye wakati aona kuti wava nemimba, akandishora; Jehovha ngaatonge pakati pangu newe.” Abhuramu akati kuna Sarai, “Tarira, murandakadzi wako uri paruoko rwako, umuitire sezvaunoda.” Zvino Sarai wakamunetsa, akatiza. Mutumwa waJehovha akamuwana patsime remvura musango, patsime riri panzira inoenda Shuri. Akati, “Nhai Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko? Unoendepiko?” Iye akati, “Ndinotiza vatenzi vangu Sarai.” Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Dzokera kuna vatenzi vako, uzvidukupise pasi pake.” Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Ndichawandisa vana vako, varege kuverengwa nokuwanda kwavo.” Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari, “Tarira wava nemimba, uchabereka mwanakomana; umutumidze zita rinonzi Ishimaeri, nokuti Jehovha wakanzwa kutambudzika kwako. Iye uchava sembizi pakati pavanhu; ucharwa navanhu vose, navanhu vose vacharwa naye; uchagara akatarisana nehama dzake dzose.” Hagari akatumidza Jehovha wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mwari anoona; nokuti wakati, “Zviro kwazvo ndamuona pano oenda, iye unondiona!” Naizvozvo tsime iro rakatumidzwa Bheeriahiroi (tsime raiye mupenyu unondiona); riri pakati peKadheshi neBheredhi.

Verenga chikamu Genesi 16