Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 15:1-21

Genesi 15:1-21 SNA2002

Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhuramu pane zvaakaratidzwa, richiti, “Usatya Abhuramu; ini ndiri nhoo yako nomubayiro wako mukuru-kuru.” Abhuramu akati, “Ishe Jehovha, muchandipeiko, zvondofa hangu ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko kani?” Abhuramu akati, “Tarirai, hamuna kundipa mwana; zvino uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.” Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari rikati, “Uyu haangavi mudyi wenhaka yako; asi uyo, achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka yako.” Akamubudisa panze akati, “Zvino tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga.” Akati kwaari, “Ndizvo zvichaita vana vako.” Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake. Akati kwaari, “Ndini Jehovha wakakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako.” Iye akati, “Ishe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?” Akati kwaari, “Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, namwana wenjiva.” Akandomutorera izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura. Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Abhuramu wakaadzinga. Zvino zuva rakati rovira, Abhuramu ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru. Akati kuna Abhuramu, “Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana; asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nepfuma zhinji. Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo. Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara.” Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama. Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, “Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi. VaKeni, navaKenizi, navaKadhimoni, navaHeti, navaPerezi, navaRefaimi, navaAmori, navaKenani, navaGirigashi, navaJebhusi.”

Verenga chikamu Genesi 15