Pakutanga Mwari akasika denga nenyika. Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; rima rakanga riripo pamusoro pemvura yakadzika; Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro pemvura. Mwari akati: Chiedza ngachivepo, chiedza chikavapo. Mwari akaona chiedza, kuti chakanaka; Mwari akaparadzanisa chiedza nerima. Mwari akatumidza chiedza, akati Masikati, nerima akaritumidza akati Usiku. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rimwe.
Verenga chikamu Genesi 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Genesi 1:1-5
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo