Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achiri mwana, haatongosiyani nomuranda, kunyange ari ishe wazvose; asi ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa. Saizvozvo nesuo, tichiri vana, takanga takasungwa pasi pezvokuvamba zvenyika; zvino nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, kuti adzikinure vari pasi pomurayiro, kuti tipiwe umwana hwedu. Zvino zvamuri vanakomana, Mwari akatuma Mweya woMwanakomana wake mumwoyo medu unodana, achiti, “Aba, baba!” Saka iwe hauchiri muranda, asi mwanakomana, kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka naMwari.
Verenga chikamu Vagaratiya 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vagaratiya 4:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo