Imi vaGaratiya vokusafunga, ndianiko wakakurunzirai, iyemi, makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pameso enyu akaroverwa pamuchinjikwa? Ichochi bedzi ndinoda kunzwa kwamuri: Makapiwa Mweya namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda? Muri vokusafunga vakadaro seiko? Makatanga muMweya, ko zvino mopedzisa munyama here? Makatambudzika zvikuru mukadai pasina here? Kana zvaiva pasina hazvo! Naizvozvo uyo anokupai Mweya, nokuita mabasa esimba pakati penyu, anozviita izvo namabasa omurayiro here, kana nokunzwa kwokutenda? Abhurahamu sezvaakatenda kuna Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama. Naizvozvo zivai kuti vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu. NoRugwaro, zvarwakaziva zviri mberi, kuti Mwari acharuramisa vahedheni nokutenda, rwakaparidza Vhangeri kare kuna Abhurahamu, ruchiti, “Mauri marudzi ose acharopafadzwa.” Naizvozvo vokutenda vanoropafadzwa pamwechete naAbhurahamu, akatenda.
Verenga chikamu Vagaratiya 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vagaratiya 3:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo