Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vagaratiya 1:1-24

Vagaratiya 1:1-24 SNA2002

Pauro, mupostori, asina kubva kuvanhu, kana kutumwa nomunhu, asi naJesu Kristu, naMwari Baba, akamumutsa kuvakafa, nehama dzose dziri kwandiri, kusangano reGaratiya. Nyasha norugare ngazvive nemi, zvinobva kuna Mwari, Baba vedu, naIshe Jesu Kristu, akazvipa nokuda kwezvivi zvedu, kuti atisunungure kunyika yakaipa yazvino, nokuda kwaMwari, Baba vedu; ngaave nokubwinya nokusingaperi. Ameni. Ndinoshamiswa kuti munokurumidza mukadai kushandukira uyo akakudanai munyasha dzaKristu, kuti mutsaukire kuneimwe Vhangeri; isati iri imwe hayo; asi kuti vamwe varipo vanokukanganisai, vachida kushandura Vhangeri yaKristu. Asi kunyange isu, kana mutumwa anobva kudenga, akakuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neyatinokuparidzirai isu, ngaave akatukwa. Sezvatakamboreva, zvino ndinorevazve saizvozvo: Kana kuno munhu anokuparidzirai imwe Vhangeri, inopesana neiyo yamakagamuchira, ngaave akatukwa. Nokuti zvino ndinoita ushamwari navanhu here, kana naMwari? Kana ndinotsvaka kufadza vanhu here? Kana ndaifadza vanhu nazvino, handizaiva muranda waKristu. Nokuti ndinokuzivisai, hama dzangu, kuti Vhangeri yakaparidzwa neni, haina kuita seyavanhu. Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu, asi ndakairatidzwa naJesu Kristu. Nokuti makanzwa zvomufambiro wangu kare pakunamata kwavaJudha, kuti ndaitambudza sangano yaMwari zvikuru kwazvo, ndikaiparadza; pakunamata kwavaJudha ndaipfuura vazhinji vezero rangu parudzi rwangu, ndichinyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu. Zvino Mwari, iye akanditsanangura kubva padumbu ramai vangu, akandidana nenyasha dzake, akati afadzwa nazvo, kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri, ndimuparidze pakati pavahedheni, pakarepo; handina kurangana nenyama neropa; handina kukwira Jerusaremu kunaavo vakanditangira kuva vapostori, asi ndakaenda Arabhiya, ndikadzokera Dhamasiko zve. Ipapo, makore matatu akati apfuura, ndikakwira Jerusaremu kundoona Kefasi, ndikagara naye mazuva ane gumi namashanu. Asi handina kuona mumwe wavapostori, asi Jakobho bedzi, munun'una waIshe. Izvi zvandinokunyorerai, tarirai, pamberi paMwari, handirevi nhema. Ipapo ndakasvika kunyika dzeSiria neKirikia. Asi ndakanga ndisingazikanwi pachiso nesangano reJudhea riri muna Kristu; asi vakanga vanzwa bedzi, kuti “Uya, waititambudza kare, zvino ava kuparidza kutenda kwaaiparadza kare;” vakarumbidza Mwari nokuda kwangu.