Vakatengezana vachiimba, vachirumbidza nokuvonga Jehovha, vachiti, “Nokuti akanaka, nokuti nyasha dzake hadziperi kuna Isiraeri.” Vanhu vose vakapururudza nokupururudza kukuru pakurumbidza kwavo Jehovha; nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa. Asi vazhinji vavapristi navaRevhi, navakuru vedzimba dzamadzibaba, vaya vatana vakanga vaona imba yokutanga, vakachema kwazvo vachiona nheyo dzeimba iyi dzichiteyiwa; vazhinji vakapururudza nomufaro; naizvozvo vanhu vakanga vasingagoni kutsaura izwi rokupururudza romufaro nezwi rokuchema kwavanhu; nokuti vanhu vakapururudza nokupururudza kukuru, inzwi rikanzwika kure kwazvo.
Verenga chikamu Ezira 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ezira 3:11-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo