Ezira 1
1
Koreshi mambo wePerisia anotendera vaJudha kudzokera kunyika yavo
1Zvino negore rokutanga raKoreshi mambo waPerisia, kuti shoko raJehovha rakarehwa nomuromo waJeremiya riitike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisia, akaparidza paushe hwake hwose, akazvinyorawo, akati, 2“Zvanzi naKoreshi mambo wePerisia, Jehovha Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwenyika, akandiraira kuti ndimuvakire imba paJerusaremu riri paJudha.
3“Zvino ani naani aripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake Jerusaremu riri paJudha, kundovaka imba yaJehovha Mwari waIsiraeri, (ndiye Mwari), anogara Jerusaremu. 4Ani naani akasara, papi napapi paanogara, varume vokwake ngavamubatsire nesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, uye nezvipo zvavanopa nokuzvidira, kuzovaka imba yaMwari iri paJerusaremu.”
5Ipapo vakuru vedzimba dzamadzibaba aJudha naBhenjamini vakazvigadzira, navapristi, navaRevhi, ivo vose vakanga vamutswa mweya yavo naMwari, kundovaka imba yaJehovha yakanga iri paJerusaremu.
6Uye vose vakanga vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, nendarama, nenhumbi, nemombe, nezvinhu zvinokosha, pamwechete nezvose zvavakapa nomwoyo wavo.
7Naiye mambo Koreshiwo akabudisa midziyo yeimba yaJehovha, yakanga yatorwa paJerusaremu naNebhukadhinezari ikaiswa naye paimba yavamwari vake; 8Koreshi, mambo wePerisia akaraira Mitiredhati muchengeti wepfuma kubudisa iyeyo, akaiverenga achiipa Sheshibhazari, muchinda waJudha. 9Kuwanda kwayo ndikoku: Ndiro dzendarama dzina makumi matatu, nendiro dzesirivha dzine chiuru chimwe, namapanga ana makumi maviri namapfumbamwe; 10nembiya dzendarama dzina makumi matatu, nembiya dzesirivha dzorumwe rudzi dzina mazana mana negumi, nemimwe midziyo ine chiuru chimwe.
11Midziyo yose yendarama neyesirivha yakanga ine zviuru zvishanu namazana mana. Izvo zvose Sheshibhazari akaenda nazvo panguva yokubva kwavatapwa Bhabhironi vachienda Jerusaremu.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezira 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002