Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 47

47
Mvura yakabva mutemberi
1Zvino akandidzosera kumukova weimba, ndikaona mvura zhinji ichibuda pasi pechikumbaridzo cheimba kurutivi rwamabvazuva, nokuti imba yakanga yakatarira kurutivi rwamabvazuva nechemberi kwayo; mvura yakayerera ichibva nechapasi, kurutivi rworudyi rweimba, kurutivi rwezasi rwearitari. 2Zvino akandibudisa nenzira yesuo rokurutivi rwokumusoro, akapota neni nenzira yokunze kusvikira kusuo rokunze, nenzira yesuo rakanga rakatarira kurutivi rwezasi; zvino tarira, mvura zhinji yakanga ichibuda kurutivi rworudyi. 3Zvino murume uyo wakati achibudira kurutivi rwamabvazuva anorwonzi muruoko rwake, akayera mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuzviziso zvamakumbo. 4Zvino akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kumabvi. Akayerazve mamita ane chiuru chimwe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikasvikira kuchiuno. 5Shure kwaizvozvo akayera mamita ane chiuru chimwe; zvino rwakanga rwava rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nokuti mvura yakanga yakwirira, yava mvura mungashambira munhu, ruri rwizi rusingabviri kuyambukwa. 6Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, waona chinhu ichi here?” Zvino akaenda neni, akandidzosera kumhenderekedzo yorwizi. 7Ndakati ndadzoka, ndikaona pamhenderekedzo yorwizi miti mizhinji kwazvo uno nemhiri. 8Zvino akati kwandiri, “Mvura iyi zhinji inobuda ichienda kunyika iri kumabvazuva, ichayerera kusvikira kuArabha, ndokuenda kurutivi rwegungwa; zvino ichandodira mugungwa, kuti mvura iporeswe. 9Zvino zvipenyu zvose zvinopfakanyika pose panosvika nzizi idzi mbiri, zvichararama; hove zhinji kwazvo dzichavapo, nokuti mvura iyi yakasvikako, mvura yose ichaporeswa, uye zvose zvichararama pose panosvika rwizi.
10“Vateyi vehova vachamirapo, kubva Engedhi kusvikira Enegiraimi vachateyapo utava; hove dzichavapo dzakafanana nehove dzegungwa guru namarudzi adzo, dziri zhinji kwazvo. 11Asi panamatope napanamachakwi hapangaporeswi; acharegererwa munyu. 12Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, uno nemhiri, pachamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isingaomi mashizha ayo, uye isingashaiwi zvibereko zvayo; ichabereka zvibereko zvitsva mwedzi mumwe nomumwe, nokuti mvura yarwo inobuda panzvimbo tsvene; michero yayo ichava zvokudya, namazhizha ayo achaporesa.”
Miganho yenyika
13Zvanzi naIshe Jehovha, “Iyi ndiyo miganho, yamunofanira kuganhura nyika nayo ive nhaka yamarudzi ane gumi namaviri aIsiraeri: Josefa anofanira kupiwa migove miviri. 14Munofanira kugara nhaka, mumwe achienzaniswa nomumwe; nokuti ndakapika kuti ndichaipa madzibaba enyu; nyika iyi ichava nhaka yenyu. 15Iyi ndiyo miganho yenyika: Kurutivi rwokumusoro, kubva kugungwa guru, nenzira yeHetironi, kusvikira pavanopinda vachienda Zedhadhi; 16neHamati, neBherota, neShibhiraimi, riri pakati pomuganho weDhamasiko nomuganho weHamati; neHazerihatikoni, riri pamuganho weHaurani.
17“Muganho unobva kugungwa ndiHazarienoni pamuganho weDhamasiko; kurutivi rwokumusoro, zvichienda kumusoro, muganho ndiHamati. Ndirwo rutivi rwokumusoro. 18Kurutivi rwamabvazuva pakati peHaurani neDhamasiko neGireadhi nenyika yaIsiraeri, muganho unofanira kuva Jorodhani; munofanira kuyera kubva kumuganho wokumusoro kusvikira kugungwa rokumabvazuva. Ndirwo rutivi rwamabvazuva. 19Rutivi rwezasi zvichienda zasi, muganho uchabva paTamari kusvikira kumvura yeMeribhatikadheshi, kusvikira kurukova rweIjipiti, kusvikira kugungwa guru. Ndirwo rutivi rwezasi, zvichienda zasi.
20“Kurutivi rwamavirazuva muganho unofanira kuva gungwa guru, kubva kurutivi rwezasi kusvikira pakatarisana navanopinda kana vachienda Hamati. Ndirwo rutivi rwamavirazuva.
21“Saizvozvo munofanira kuzviganhurira nyika iyi, zvichienzana namarudzi aIsiraeri. 22Munofanira kuiganhura nemijenya, ive nhaka yenyu neyavatorwa vagere pakati penyu, vanozobereka vana pakati penyu; ivo vanofanira kuva kwamuri savakaberekwa pakati paIsiraeri; vanofanira kugara nhaka pamwechete nemi pakati pamarudzi aIsiraeri. 23Pakati porudzi pagere mutorwa ndipo pamunofanira kumupa nhaka yake,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 47: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda