Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 28

28
Mariro pamusoro peTire
1Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, 2“Mwanakomana womunhu, iti kumuchinda weTire, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Mwoyo wako zvawakazvikudza,’ iwe ukati, ‘Ini ndiri mwari, ndigere pachigaro chaMwari pakati pamakungwa,’ kunyange zvakadaro, uri munhu hako, hauzi Mwari, kunyange wakamisa mwoyo wako somwoyo waMwari; 3tarira, unokunda Dhanieri pakuchenjera kwako, hakuna chakavanzika chausingazivi iwe; 4wakazviwanira pfuma nohuchenjeri hwako uye nokuziva kwako, ukazviwanira ndarama nesirivha muzvivigiro zvepfuma yako; 5wakawedzera pfuma yako nohuchenjeri hwako hukuru uye nokushambadzira kwako, mwoyo wako ukazvikudza nokuda kwepfuma yako; 6naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Zvawakamisa mwoyo wako somwoyo waMwari,’ 7naizvozvo tarira, ndinouyisa vatorwa pamusoro pako, ivo vanotyisa pakati pamarudzi ose; vachavhomorera kunaka kwohuchenjeri hwako minondo yavo, vachasvibisa kubwinya kwako.
8“Vachakuburusira kugomba; uchafa norufu rwavanourawa mumwoyo wamakungwa. 9Ko ungazoreva pamberi pounokuuraya, uchiti, ‘Ndini Mwari?’ Asi uri munhu, hauzi Mwari, muruoko rwaiye unokukuvadza. 10Uchafa norufu rwousina kudzingiswa namaoko avatorwa; nokuti ndini ndakataura izvozvo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
11Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, 12“Mwanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari, zvanzi naIshe Jehovha, ‘Iwe wokuisa chisimbiso chako pachiyero, uzere nohuchenjeri, hwakakwana pakunaka.’ 13Wakanga uri paEdheni, mumunda waMwari; wakanga wakafukidzwa namabwe anokosha amarudzi ose, anoti, saridhio netopasi nedhaimani neberiri, neonikisi nejasipiri nesafiri nesimaragidhino nekaribhunikuri; ngoma dzako nenyere dzako dzakanga dzakaitwa nendarama mukati mako, zvakagadzirwa nezuva rokusikwa kwako. 14Iwe wakanga uri kerubhi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukava pamusoro pegomo dzvene raMwari; waifamba-famba pakati pamabwe omoto. 15Wakanga wakakwana panzira dzako kubva pazuva rokusikwa kwako, kusvikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako. 16Nokuwanda kwokushambadzira kwako vakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naizvozvo ndakakudzinga pagomo raMwari ndichiti uri chinhu chinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubhi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabwe omoto. 17Mwoyo wako wakazvikudza nokuda kwokunaka kwako; wakaodza huchenjeri hwako nokuda kwokubwinya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti vakuone. 18Nokuwanda kwezvakaipa zvako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nzvimbo dzako tsvene; naizvozvo ndakabudisa moto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukava madota panyika pamberi pavose vanokuona. 19Vose, vanokuziva pakati pamarudzi avanhu, vachashamiswa pamusoro pako; wava chinhu chinotyisa, haungazovi chinhu nokusingaperi.”
Chirevo pamusoro peSidhoni
20Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti, 21“Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako kurutivi rweSidhoni, uporofite pamusoro paro, 22uti, zvanzi nashe Jehovha, ‘Tarira, ndine mhaka newe, iwe Sidhoni; ndichakudzwa mukati mako; vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha, nenguva yandinoita mukati maro izvo zvandakatonga, ndichiitwa mutsvene mukati maro.’ 23Nokuti ndichatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; vakakuvadzwa vachawira pasi mukati maro, kana munondo uchiuya pamusoro paro kumativi ose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.
24“Hapachazovi norukato runobaya imba yaIsiraeri, kana munzwa unokuvadza pakati pavaivakomberedza, vaivashoora; zvino vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.”
25Zvanzi naIshe Jehovha, “Nenguva yandinenge ndaunganidza imba yaIsiraeri kumarudzi avanhu kwavakanga vakaparadzirwa, ndikaitwa mutsvene pakati pamberi pamarudzi, nenguva iyo vachagara munyika yavo yandakapa muranda wangu Jakobho. 26Vachagaramo vakachengetwa; zvirokwazvo, vachavaka dzimba, nokusima minda yemidzambiringa, vachagara vakachengetwa, kana ndaita zvandakatonga pamusoro pavose vakavapoteredza vanovashora; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.”

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 28: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda