Ezekieri 26
26
Chirevo pamusoro pokuparadzwa kweTire
1Zvino negore regumi nerimwe, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 2“Mwanakomana womunhu, Tire zvarakati pamusoro peJerusaremu, ‘Toko waro! Raputsika, iro raiva suo ramarudzi; roringira kwandiri, zvino ini ndichazadzwazve, iro zvaraitwa dongo.’
3“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Tarira, ndine mhaka newe, iwe Tire, ndichauyisa marudzi mazhinji kuzorwa newe, sezvinouyisa gungwa mafungu aro. 4Vachaparadza masvingo eTire, nokukoromora shongwe dzaro; ndicharitsvairira guruva raro, riite soruware rusine chinhu. 5Richava nzvimbo panonikwa mimbure pakati pegungwa, nokuti ndakazvitaura ini,’ ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; richava kumarudzi sechinhu chakapambwa. 6Vakunda varo vari kuruwa vachaurawa nomunondo; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”
7Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “Tarirai, ndichauyisira Tire Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva kurutivi rwokumusoro ana mabhiza nengoro navatasvi vamabhiza, nehondo navanhu vazhinji. 8Iye achauraya nomunondo vakunda vako vari kuruwa, achakuvakira nhare dzokurwa newe, nokukututira murwi wokurwa. 9Achamisa zvokugumura pamasvingo ako, achakoromora shongwe dzako nematombo.
10“Nokuwanda kwamabhiza ake guruva rawo richakufukidza; masvingo ako achadengenyeka nomutsindo wavatasvi vamabhiza, namakumbo engoro, nengoro, panguva yaachapinda pamasuo ako, somupindirwo weguta rakakoromorerwa rusvingo.
11“Achatsika nzira dzako dzose dzomuguta namahwamanda amabhiza ake, achauraya vanhu vako nomunondo, neshongwe dzinoratidza simba renyu dzichawira pasi. 12Vachapamba pfuma yako nokukutorera zvokushambadzira zvako, vachakoromora masvingo ako, nokuparadza dzimba dzako dzinofadza; vachaisa mabwe ako namatanda ako neguruva rako mukati memvura zhinji.
13“Ndichagumisa mazwi enziyo dzako, kurira kwembira dzako hakungazonzwiki. 14Ndichakuita ruware rusine chinhu, uchava nzvimbo panonikwa mimbure; hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
15Zvanzi naIshe Jehovha kuTire, “Ko zvivi hazvingadengenyeki here nokutinhira kwokuwa kwako, kana vanhu vako vakakuvadzwa vachigomera, kana vanhu vachiurawa mukati mako here? 16Nenguva iyo machinda ose okugungwa achabhuruka pazvigaro zvawo zvohushe, vachaisa pasi nguo dzavo dzohushe nokubvisa zvokufuka zvavo zvakarukwa; vachafuka kudedera, vachagara pasi vachingodedera vachishamiswa pamusoro pako.
17“Vachaita mariro pamusoro pako, vachiti kwauri, ‘Aiwa, wakaparadzwa sei, iwe wakanga wakagarwa navanhu vaiziva kufamba negungwa, iro guta rakanga rine mbiri, rakanga rine simba pagungwa, iro navanhu varo, vaityisa vose vagereko.’
18“Zvino zvivi zvichadengenyeka nezuva rokuwa kwako; zvirokwazvo, zvivi zviri mugungwa zvichavhunduka nokubviswa kwako. 19Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nenguva yandichakuita guta dongo, sezvakaita maguta asina vanhu, nenguva yandichauyisa gungwa rakadzika pamusoro pako, ukafukidzwa nemvura zhinji; 20nenguva iyo ndichakuburusa pamwechete navanoburukira mugomba, kuvanhu vekare; ndichakugarisai panzvimbo dziri pasi dzenyika, pakanga panamatongo kare nakare, pamwechete navanoburukira mugomba, kuti urege kugarwa navanhu; asi ndichaisa mufaro munyika yavapenyu.’
21“Asi iwe ndichakuita chinhu chinotyisa, haungazovipo; kunyange ukatsvakwa, haungawanikwizve nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 26: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002