Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 22

22
Zvivi zveJerusaremu
1Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, 2“Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tonga, chitonga guta reropa, urizivise zvinonyangadza zvaro zvose. 3Uti zvanzi naIshe Jehovha, ‘Iwe guta, rinoteura ropa mukati maro, kuti nguva yaro isvike, rinozviitira zvifananidzo, kuti risvibiswe nazvo!’ 4Wapara mhaka nokuda kweropa rako rawakateura, wasvibiswa nezvifananidzo zvawakaita; waswededza mazuva ako, wasvika pamakore ako; naizvozvo ndakakuita chinhu chinoshorwa pamberi pamamwe marudzi, nechinosekwa nenyika dzose. 5Vari pedyo newe, navari kure, vachakuseka, iwe unezita rakasvibiswa, uzere nebope.
6“Tarira, machinda aIsiraeri akapinda mukati mako, mumwe nomumwe nesimba rake, kuzoteura ropa. 7Baba namai vakazvidzwa mukati mako, vatorwa vakamanikidzwa mukati mako, nherera nechirikadzi dzakaitirwa zvakaipa mukati mako. 8Iwe wakashora zvinhu zvangu zvitsvene, wakamhura maSabata angu. 9Vanhu vana makuhwa vakapinda mukati mako kuzoteura ropa, vakadya pamusoro pamakomo mukati mako, vakaita zvinonyadzisa mukati mako. 10Vakafukura kunyadza kwamadzibaba avo mukati mako, vakaninipisa mukati mako mukadzi wakanga asina kunaka nokuva kumwedzi kwake. 11Mumwe akaita zvinonyangadza nomukadzi womunun'una wake, mumwe wakachinyira mukadzi womwana wake, mumwezve mukati mako wakaninipisa hanzvadzi yake, mukunda wababa vake. 12Vakagamuchira zvipo mukati mako kuzoteura ropa; iwe wakatora mhindu yemari neyemichero, wakazvifumisa uchimanikidza wokwako, ukandikanganwa,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
13“Naizvozvo, tarira, ndakarovanya maoko angu pamusoro pepfuma yako yawakawana nokunyengera, napamusoro peropa rako rakanga riri mukati mako. 14Ko mwoyo wako ungatsunga, kana maoko ako angasimba here pamazuva andichakutonga? Ini Jehovha ndakazvitaura, ndichazviita.
15“Ndichakuparadzira pakati pamarudzi, nokukudzingira kunyika dzose; ndichapedza tsvina yako mukati mako.
16“Uchazvimhurisa pamberi pamamwe marudzi; zvino uchazoziva kuti ndini Jehovha.”
17Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 18“Mwanakomana womunhu, imba yaIsiraeri yaita samarara kwandiri; vose vakaita sendarira netini nedare nomutobvu mukati mevira; vakaita samarara esirivha. 19Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Mose zvamava marara, naizvozvo, tarirai, ndichakuunganidzirai mukati meJerusaremu. 20Sezvavanounganidzira sirivha nendarira nedare nomutobvu netini mukati mevira, kuti vapfutidzire moto pamusoro pazvo, vazvinyause, saizvozvo ndichakuunganidzai nokutsamwa kwangu nehasha dzangu, ndikuiseimo, ndikunyausei. 21Zvirokwazvo, ndichakuunganidzai, nokupfutidza moto wehasha dzangu pamusoro penyu; muchanyauswa mukati maro. 22Sirivha sezvainonyauswa mukati mevira, saizvozvo imi muchanyauswa mukati maro; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndakadurura hasha dzangu pamusoro penyu.’ ”
23Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 24“Mwanakomana womunhu uti kwairi, ‘Iwe uri nyika isina kunatswa, isina kunisirwa mvura nezuva reshungu dzangu.’ 25Vaporofita vayo vakaita rangano mukati mayo; seshumba inoomba ichibvanzura chayabata, saizvozvo vakapedza mweya yavanhu; vakatora pfuma nezvinokosha, vakawanza chirikadzi mukati mayo. 26Vapristi vayo vakaparadza murayiro wangu, vakamhura zvinhu zvangu zvitsvene; havana kutsaura pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene, kana kuzivisa vanhu kusiyana kwezvisina kunaka nezvakanaka, vakatsinzina meso avo varege kuona maSabata angu; ini ndamhurwa pakati pavo. 27Machinda ayo mukati mayo vakafanana namapere anobvanzura zvaabata, vachiteura ropa nokuparadza mweya, kuti vawane pfuma vachinyengera.
28“Vaporofita vayo vakavayuwira nesuko, vachiona zvinonyengera nokuvaukira zvenhema vachiti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, izvo Jehovha haana kutaura.’
29“Vanhu venyika vakamanikidza nokupamba; zvirokwazvo vakatambudza varombo navanoshayiwa, vakamanikidza mutorwa asina mhaka hake. 30Zvino ndakatsvaka pakati pavo munhu angagadzira rusvingo, angamira pakakoromoka pamberi pangu achirwira nyika, kuti ndirege kuiparadza; asi handina kuwana nomumwe. 31Naizvozvo ndakadurura shungu dzangu pamusoro pavo; ndakavapedza nomoto wehasha dzangu; ndakauyisa zvavakaita pamisoro yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 22: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda