Ezekieri 19
19
Shungu pamusoro pamachinda aIsiraeri
1Zvino iwe, imba mariro pamusoro pamachinda aIsiraeri, 2uti, “Mai vako vaiva aniko?” Vaiva shumbakadzi, yaivata pakati peshumba, ichirera vana vayo pakati peshumba duku. 3Zvino yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu. 4Marudzi avanhu akainzwawo ikabatwa muhuzha yavo, vakaiisa kunyika yeIjipiti. 5Zvino yakati ichiona kuti yanyengerwa, kuti tariro yanyangarika, ikatorazve mumwe mwana wayo, ikaiita shumba duku. 6Iyo ikafamba-famba pakati peshumba; ikava shumba duku, ikadzidza kubata zvaingauraya, ikapedza vanhu. 7Ikaziva dzimba dzavo dzohushe, ikaparadza maguta avo; nyika nezvose zvayo ikava dongo, nokuda kwokuwomba kwayo. 8Ipapo marudzi avanhu venyika dzakapoteredza akarwa nayo, vakakandira mumbure wavo pamusoro payo, ikabatwa muhuzha yavo. 9Vakaiisa muchirugu chine zvikokowono, vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi; vakaiisa munhare, kuti izwi rayo rirege kuzonzwika pamakomo aIsiraeri.
10Mai vako vakanga vakaita somudzambiringa, panguva yokuzorora kwako, wakanga wakasimwa pamvura; wakabereka zvakanaka, una matavi mazhinji, nokuda kwemvura zhinji. 11Ukava namatanda makobvu okuita tsvimbo dzavaibata hushe, musoro wawo ukakwirira kumusoro pakati pamatavi makobvu, ukaonekwa kumusoro-soro pamwechete namashizha awo mazhinji. 12Asi wakadzurwa nehasha, ukakandirwa pasi, mhepo inobva mabvazuva ikaomesa michero yawo, matanda awo makobvu akavuniwa, ndokuoma, moto ukaapedza. 13Zvino wasimwa murenje, munyika yakaoma ine nyota. 14Moto wabuda padanda ramatavi awo, ukapedza michero yawo, hapachine danda rine simba ringaita tsvimbo yokubata ushe. Awa ndiwo mariro, uye achazova mariro.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezekieri 19: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002