Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 16

16
Kusavonga nokusatendeka kweJerusaremu
1Shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri, richiti, 2“Mwanakomana womunhu, zivisa Jerusaremu zvinonyangadza zvaro, 3uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha Jerusaremu: Kwawakabva nokwawakaberekwa ndiko kunyika yavaKanani; baba vako vakanga vari muAmori, namai vako vakanga vari muHiti. 4Kana kuri kuberekwa kwako, pazuva rokuzvarwa kwako rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti unake; hauna kutongokwizwa nomunyu, kana kuputirwa mumachira. 5Hakuna ziso rakakunzwira tsitsi, kana kukuitira chinhu chimwe chezvinhu izvi, nokuva nengoni newe; asi wakarashirwa kusango, nokuti vakasema hupenyu hwako nezuva rokuzvarwa kwako.’
6“Ndakapfuura kwauri, ndikakuona uchipfakanyika muropa rako, ndikati kwauri uri muropa rako, ‘Rarama!’ Zvirokwazvo, ndakati kwauri uri muropa rako, ‘Rarama!’ 7Ndakakuita vazhinji kwazvo sezvinomera kusango, ukawanda nokukura, ukasvikira pahukomba hwakaisvonaka; mazamu ako akakura, nevhudzi rako rakamera, asi wakanga usina kufuka, wakashama. 8Ndakapfuura kwauri, ndikakutarira, ndikaona kuti nguva yako yakanga iri nguva yorudo. Ipapo ndakawarira nguo yangu pamusoro pako, ndikafukidza kushama kwako; zvirokwazvo, ndakakupikira, ndikaita sungano newe, iwe ukava wangu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 9“Ipapo ndakakushambidza nemvura; zvirokwazvo, ndakashambidza ropa rako kwauri, ndikakuzodza namafuta. 10Ndakakufukidzawo nezvakarukwa, ndikakupfekedza shangu dzamatehwe, ndakakusunga chiuno nomucheka wakaisvonaka, ndikakufukidza nesirika. 11Ndakakushongedza hukomba, ndikaisa zvishongo zvamaoko pazvanza zvako, nengetani pamutsipa wako. 12Ndikaisa chindori pamhino dzako, nezvishongo zvenzeve panzeve dzako, nekorona yakanaka pamusoro wako. 13Wakazvishongedza nendarama nesirivha, zvokufuka zvako zvakanga zviri zvomucheka wakaisvonaka nesirika nezvakarukwa; wakadya hupfu hwakatsetseka nohuchi namafuta; hwakanga hwakanaka kwazvo, ukapfuurira mberi kusvikira kuhushe. 14Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kwohumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
15“Asi iwe wakavimba nokunaka kwako, ukapata nokuda kwembiri yako, ukadurura kupata kwako kunomumwe nomumwe waipfuura napo, kukava kwake. 16Wakatora dzimwe nguo dzako, ukazviitira nzvimbo dzakakwirira, dzakashongedzwa namavara mazhinji, ukandopata pamusoro padzo. Zvinhu zvakadai hazvizaifanira kuuya kana kuitika.
17“Zvishongo zvako zvakanaka wakazvitora pandarama yangu nesirivha yangu, zvandakanga ndakupa, ukazviitira zvifananidzo zvavarume, ukapata nazvo; 18ukatora nguo dzako dzakarukwa, ukazvifukidza nadzo, ukagadza mafuta angu nezvinonhuwira zvangu pamberi pazvo.
19“Zvokudya zvangu zvandakakupa, ihwo hupfu hwakatsetseka namafuta nohuchi zvandakakupa kuti uzvidye, wakazvigadza pamberi pazvo, zviite hwema hunonhuwira; ndizvo zvawakati,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 20“Uyezve, wakatora vanakomana vako navanasikana vako, vawakandiberekera, ukazvibayira ivo, kuti vadyiwe. Ko kupata kwako chakanga chiri chinhu chiduku here, 21zvawakazouraya vana vangu, ukazvipa ivo, kuti uzvipinzire ivo mumoto here?
22“Zvino pakati pezvinonyangadza zvako zvose nokupata kwako hauna kurangarira mazuva ohuduku hwako, panguva yawakanga usino kufuka, wakashama, uchipfakanyika muropa rako. 23Zvino shure kwezvakaipa zvako zvose haiwa, une nhamo, une nhamo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 24“Wakazvivakira nzvimbo yokufeva nokuzviitira nzvimbo yakakwirira panzira dzose dzomumusha. 25Wakavaka nzvimbo yako yakakwirira pakuvamba kwenzira imwe neimwe, ukashandura kunaka kwako zvikava zvinonyangadza, ukafukurira vose vanopfuura tsoka dzako, ukawanza kupata kwako. 26Wakapfevawo navaIjipiti, vakanga vagere pedyo newe, vane miviri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamwise. 27Naizvozvo tarira, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pako, ndikatapudza zvokudya zvako zvaunodya misi yose, ndikakuisa kuna vanokuvenga vakuitire sokuda kwavo, ivo vakunda vavaFirisitia vakanyadziswa nomufambiro wako wakashata.
28“Wakapatawo navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; zvirokwazvo, wakapata navo, asi hauna kuringaniswa nazvo. 29Wakawanzawo kupata kwako kusvikira kunyika yavashambadziri, iko kuKaradhea; kunyange zvakadaro hauna kuringaniswa nazvo.
30“Mwoyo wako unoshaiwa simba sei,” ndizvo zvinotaura Jehovha “Zvaunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari; 31zvaunovaka nzvimbo yako yokufeva pakuvamba kwenzira imwe neimwe, nokuita nzvimbo yako yakakwirira panzira imwe neimwe yomumusha; asi hauna kuita sechifeve, zvawakashora muripo. 32Aiwa! Mukadzi akawanikwa anofeva! Anogamuchira vatorwa panzvimbo yomurume wake! 33Zvifeve zvose zvinopiwa zvipo, asi iwe unopa vadikanwi vako vose zvipo, uchivaripira, kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose nokuda kwokupata kwako.
34“Iwe wakasiyana navamwe vakadzi pakupata kwako, zvakusina unokutevera kupata newe; uye zvaunopa muripo iwe, asi iwe haupiwi muripo, naizvozvo wakasiyana navamwe.”
35Naizvozvo iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha, 36zvanzi naIshe Jehovha, “Ndarira yako zvayakadururwa, nokunyadza kwako zvakwakafukurwa nokupata kwako navadikanwi vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvose zvezvinonyangadza zvako, neropa ravana vako, rawakazvipa; 37naizvozvo tarira, ndichaunganidza vadikanwi vako vose, vawakafarirana navo, navose vawakanga uchida, pamwechete navose vawakanga uchivenga; ndichakuunganidzira ivo vachibva kumativi ose, nokuvafukurira kunyadza kwako, kuti vaone kunyadza kwako kwose.
38“Ndichakutonga sezvinotongwa vakadzi voutere navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rehasha negodo. 39Ndichakuisawo mumaoko avo; vachakoromora nzvimbo yako yokufeva, nokuputsa nzvimbo dzako dzakakwirira; vachakubvisira nguo dzako, nokukutorera zvishongo zvako zvakanaka; vachakusiya usina chokufuka wakashama.
40“Vachauyawo neungano kuzorwa newe, ivo vachakutaka namabwe nokubvoora neminondo yavo. 41Vachapisa dzimba dzako nomoto, nokukuitira zvakatongwa pamberi pavakadzi vazhinji; ndichakuregesa kupata kwako, iwe hauchazovapi muripo. 42Saizvozvo ndichazorodza hasha dzangu kwauri, godo rangu richabva kwauri; ndichanyarara, ndikasazova nokutsamwa. 43Zvausina kurangarira mazuva ohuduku hwako, asi wakanditsamwisa nezvinhu izvi zvose, naizvozvo, tarira, ndichauyisa zvawakaita pamusoro wako,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; haungazoiti zvakashata izvozvo nezvinonyangadza zvako zvose.
44“Tarira, mumwe nomumwe anobata netsumo, achabata tsumo iyi pamusoro pako, achiti, ‘Sezvakaita mai, ndizvo zvakaita mwanasikana wavo.’ 45Iwe uri mwanasikana wamai vako, vanosema murume wavo navana vavo; iwe uri munun'una wavakoma vako, vakasema varume vavo navana vavo; amai vako vakanga vari muHiti, nababa vako muAmori.
46“Mukoma wako ndiSamaria, anogara kuruboshwe rwako, iye navanasikana vake; munun'una wako anogara kurudyi rwako, ndiSodhoma navanasikana vake. 47Asi hauna kufamba nenzira dzavo, kana kuita zvinonyangadza zvavo; asi izvo wakati zviduku, wakavapfura ivo vose nenzira dzako dzakaora. 48Noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha munun'una wako Sodhoma, “Iye navanasikana vake, havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako. 49Tarira, zvakaipa zvomunun'una wako Sodhoma hezvi: Kuzvikudza, zvokudya zvakawandisa, nokuzorora kusina hanya nechinhu, ndizvo zvaakanga anazvo navanasikana vake; haana kusimbisa ruoko rwavarombo navanoshayiwa. 50Vakanga vana manyawi vakaita zvinonyangadza pamberi pangu; saka ndichizviona ndakavabvisa.
51“Kunyange neSamaria harina kuita hafu yezvivi zvako; asi iwe wakawanzisa zvinonyangadza zvako kupfuura zvavo, ukapembedza vanun'una vako nezvinonyangadza zvako zvose zvawakaita.
52“Iwe chiva nemhosva yezvinonyadzisa zvako, zvawakapembedza vanun'una vako; nokuda kwezvivi zvako zvawakaita zvinonyangadza kupfuura zvavo, ivo vava vakarurama kupfuura iwe; zvirokwazvo, chisvodeswa iwe, uve nokunyadziswa kwako, zvawakapembedza vanun'una vako.”
53“Ndichadzosazve kutapwa kwavo, iko kutapwa kweSodhoma navanasikana varo, nokutapwa kweSamaria navanasikana varo, nokutapwa kwavatapwa vako vari pakati pavo; 54kuti iwe uve nokunyadziswa kwako, unyare pamusoro pezvose zvawakaita uchivanyaradza. 55Vanun'una vako Sodhoma navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, naSamaria navanasikana vake vachadzokera kumugariro wavo wakare, newe navanasikana vako muchadzokera kumugariro wenyu wakare. 56Nokuti munun'una wako Sodhoma haana kurehwa nomuromo wako nezuva rokuzvikudza kwako, 57zvakashata zvako zvisati zvafukurwa, sapanguva yokushorwa kwako navanasikana veSiria navose vakavapoteredza, vanasikana vavaFirisitia, vanokuzvidza kumativi ose. 58Une mhosva yezvakashata zvako nezvinonyangadza zvako,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
59Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “Ndichakuitirawo sezvawakaita iwe, wakashora kupika pakuputsa kwako sungano. 60Kunyange zvakadaro ndicharangarira sungano yangu yandakaita newe pamazuva ohuduku hwako, ndisimbise sungano isingaperi newe. 61Ipapo ucharangarira nzira dzako; uchanyara, kana uchigamuchira vakoma vako navanun'una vako; ndichakupa ivo, vave vanasikana vako, asi hazvingaitwi pamusoro pesungano yako.
62“Ndichasimbisa sungano yangu newe; zvino uchaziva kuti ndini Jehovha; 63kuti urangarire, usvodeswe, urege kuzoshamisa muromo wakozve nokuda kwokunyara kwako, kana ndakukanganwira zvose zvawakaita,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Zvasarudzwa nguva ino

Ezekieri 16: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda