Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 8:1-19

Ekisodho 8:1-19 SNA2002

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.’ Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya; rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhoo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya; matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose.” Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.’ ” Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, matatya akakwira, akafukidza nyika yeIjipiti. N'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeIjipiti. Zvino Farao akadana Mosesi naAroni, akati, “Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha.” Mosesi akati kuna Farao, “Imi mukudzwe kupfuura ini! Ndokunyengetererai nguva ipi, imi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi bedzi?” Iye akati, “Mangwana.” Akati, “Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu. Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi bedzi.” Mosesi naAroni vakabuda muna Farao, Mosesi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao. Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMosesi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa. Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa. Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa mwoyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyika yeIjipiti.’ ” Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yose yeIjipiti. N'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo. Zvino n'anga dzakati kuna Farao, “Munwe waMwari”; asi mwoyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

Verenga chikamu Ekisodho 8