Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 31:1-11

Ekisodho 31:1-11 SNA2002

Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Tarira, ndadana Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, nezita rake, ndikamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa, kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira, nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona marudzi ose amabasa. Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumwoyo yavose vane mwoyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti vaite zvose zvandakakuraira, zvinoti: Tende rokusangana, neareka yechipupuriro, nechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetabhenakeri, netafura nenhumbi dzayo, nechigadziko chemwenje chakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, neatari yezvinonhuwira, neatari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, nenguo dzakarukwa zvakanaka, nenguo tsvene dzaAroni mupristi, nenguo dzavanakomana vake dzokubata basa roupristi nadzo, namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvemiti inonaka zvapanzvimbo tsvene; vanofanira kuita zvose sezvandakakuraira.”

Verenga chikamu Ekisodho 31