Zvino Mwari akati, “Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo; ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaIjipiti nokuvabudisa munyika iyoyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi; uko kunogara vaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi. Zvino tarira, kuchema kwavana vaIsiraeri kwasvika kwandiri, ndaona kutambudzwa kwavanotambudzwa nako navaIjipiti. Naizvozvo zvino uya ndikutume kuna Farao, kuti undobudisa vanhu vangu, vana vaIsiraeri muIjipiti.”
Verenga chikamu Ekisodho 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 3:7-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo