Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 3:11-14

Ekisodho 3:11-14 SNA2002

Zvino Mosesi akati kuna Mwari, “Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsiraeri muIjipiti here?” Akati, “Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.” Ipapo Mosesi akati kuna Mwari, “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,’ ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?’ Ndichatiyi kwavari?” Mwari akati kuna Mosesi, “NDICHAVA IYE WANDICHAVA.” Akati, “Unoti kuvana vaIsiraeri, ‘NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.’ ”

Verenga chikamu Ekisodho 3