Ekisodho 29
29
Kugadzwa kwavapristi
1“Zvino ndicho chinhu chaunofanira kuvaitira kuti uvaite vatsvene, vandishumire pabasa roupristi: Utore nzombe imwe duku; namakondohwe maviri asina mhosva, 2nechingwa chisina kuviriswa, nezvingwa zviduku zvisina kuviriswa zvakakanyiwa namafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa mafuta; unofanira kuzviita noupfu hwakatsetseka hwekoroni. 3Uzviise mudengu rimwe, ugouya nazvo zviri mudengu, pamwechete nenzombe duku namakondohwe maviri.
4“Zvino uuye naAroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura; 5utorewo hanzu, ugofukidza Aroni nguo nejasi reefodhi, neefodhi, nehombodo yechipfuva; uye umusunge chiuno chake nebhanhire reefodhi rakarukwa nouchenjeri; 6uisewo nguwani pamusoro wake, nokuisawo korona tsvene panguwani. 7Zvino unofanira kutora mafuta echizoro, uadire pamusoro wake, umuzodze.
8“Zvino uuyisewo vanakomana vake, uvafukidze majasi. 9Uvasunge zviuno zvavo nebhanhire, iye Aroni navanakomana vake, ugovaisa nguwani; vave vapristi nomutemo usingaperi; ugadze Aroni navanakomana vake.
10“Zvino unofanira kuuyisa nzombe pamberi petende rokusangana, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wenzombe. 11Ugobaya nzombe pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana. 12Zvino utore ropa renzombe, ugoriisa panyanga dzeatari nomunwe wako, ndokudururira ropa rose mujinga meatari. 13Zvino utorewo mafuta ose anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, uzvipise pamusoro peatari. 14Asi nyama yenzombe, nedehwe rayo, namazvizvi ayo, unofanira kuzvipisa nomoto kunze kwemisasa; chipiriso chezvivi.
15“Unofanira kutorawo gondohwe rimwe, Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wegondohwe; 16zvino ubaye gondohwe, utore ropa raro, urisase panhivi dzose dzeatari. 17Ipapo uchekanye gondohwe, nokusuka ura hwaro, namakumbo aro, uise izvozvo pamwechete nenhindi dzaro nomusoro waro. 18Zvino unofanira kupisa gondohwe rose paatari; chipiriso chinopisirwa Jehovha, chipo chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha, pamoto.
19“Zvino utorewo gondohwe rimwe, Aroni navanakomana vake vaise maoko avo pamusoro wegondohwe. 20Ipapo unofanira kubaya gondohwe, ndokutora rimwe ropa raro, ugoriisa pamucheto wezasi wenzeve yorudyi yaAroni, napamicheto yenzeve dzorudyi dzavanakomana vake napamagunwe amaoko orudyi, napamagunwe etsoka dzavo dzorudyi, nokusasawo ropa panhivi dzose dzeatari. 21Zvino unofanira kutora rimwe ropa, riri paatari, namamwe mafuta okuzodza, uzvisase pamusoro paAroni napanguo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napanguo dzavanakomana vake, pamwechete naye, kuti ave mutsvene iye, nenguo dzake, navanakomana vake, nenguo dzavanakomana vake, pamwechete naye.
22“Zvino utorewo mamwe mafuta egondohwe, nebemhe raro, namafuta anofukidza ura, namafuta ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta ari padziri, nebandauko rorudyi, (nokuti igondohwe rokugadza naro), 23nebundu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chiduku chinamafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha. 24Zvino uzviise zvose pamaoko aAroni napamaoko avanakomana vake, vagozvizunguzira, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha. 25Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paatari pamusoro pechipiriso chinopiswa, kuti chive chipo chinonhuwira pamberi paJehovha; chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto.
26“Utorewo chityu chegondohwe rokugadza naro raAroni, urizunguzire pamberi paJehovha, kuti chive chipo chinozunguzirwa; ndiwo mugove wako. 27Zvino chityu chinozunguzirwa uchitsaure, nebandauko rechipiriso chinosimudzwa, chinozunguzirwa nokusimudzwa, zvegondohwe rokugadza naro, kuti zvive zvaAroni nezvavanakomana vake. 28Izvozvo zvinofanira kupiwa Aroni navanakomana vake navana vaIsiraeri nokusingaperi nokuti chipiriso chinosimudzwa, chinobva kuvana vaIsiraeri pazvibayiro zvezvipiriso zvavo zvokuyananisa, chive chipiriso chavo chinosimudzirwa Jehovha.
29“Nguo dzaAroni dzichava dzavanakomana vake vanomutevera, kuti vazodzwe vakadzifuka, vagadzwe vakadzifuka. 30Mwanakomana wake anopinda paupristi panzvimbo yake, unofanira kudzifuka mazuva manomwe, kana achipinda mutende rokusangana kushumira panzvimbo tsvene.
31“Zvino unofanira kutora gondohwe rokugadza naro, ubike nyama yaro panzvimbo tsvene. 32Aroni navanakomana vake ngavadye nyama yegondohwe, nechingwa chiri mudengu pamukova wetende rokusangana. 33Vanofanira kudya izvozvo zvaiyananiswa nazvo, pakugadzwa nokutsaurwa kwavo; asi mweni ngaarege kuzvidya, nokuti zvitsvene. 34Kana imwe nyama yokugadza nayo ikasara, kana chimwe chingwa, kusvikira mangwana, unofanira kupisa zvasara nomoto; hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.
35“Unofanira kuitira Aroni navanakomana vake saizvozvo, zvose sezvandakuraira; uite mazuva manomwe uchivagadza. 36Zuva rimwe nerimwe unofanira kubayira nzombe yechipiriso chezvivi, chokuyananisa nacho; unofanira kunatsa atari, kana uchiiyananisira; uizodze kuti uitsaure. 37Unofanira kuita mazuva manomwe pakuyananisira atari, nokuitsaura; kuti atari ive tsvene kwazvo, uye zvose zvinobata paatari zvinofanira kuva zvitsvene.
Zvibayiro zvezuva rimwe nerimwe
38“Zvino ndizvo zvaunofanira kubayira paatari: Zuva rimwe nerimwe nguva dzose makwayana maviri. 39Rimwe gwayana unofanira kuribayira mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuribayira madekwana. 40Pamwechete negwayana rimwe unofanira kuisa chipiriso choupfu hwakatsetseka hwakasvika pachegumi cheefa hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasvinhiwa nechechina chehini yewaini, chive chipiriso chinodururwa. 41Rimwe gwayana uribayire madekwana, uriitire sezvawakaitira chipiriso choupfu chamangwanani, nezvawakaitira chipiriso charo chinonwiwa, kuti chive chipiriso chinonhuwira, chipiriso chakaitirwa Jehovha pamoto. 42Chinofanira kuva chipiriso chinopiswa nguva dzose pamarudzi enyu ose, pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, pandichaaongana nemi, nditaurepo newe. 43Ndipo pandichasangana navana vaIsiraeri, uye tende richatsaurwa nokubwinya kwangu. 44Tende rokusangana neatari ndichazvitsaura; uye Aroni navanakomana vake ndichavatsaura, kuti vandishumire pabasa roupristi. 45Ndichagara pakati pavana vaIsiraeri, kuti ndive Mwari wavo. 46Vachaziva kuti ndini Jehovha wavo, wakavabudisa panyika yeIjipiti, kuti ndigare pakati pavo; ndini Jehovha Mwari wavo.
Zvasarudzwa nguva ino
Ekisodho 29: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002