Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 16:1-6

Ekisodho 16:1-6 SNA2002

Zvino vakabva Erimu parwendo rwavo, ungano yose yavana vaIsiraeri ikasvika parenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi namashanu romwedzi wechipiri pakubva kwavo panyika yeIjipiti. Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; vana vaIsiraeri vakati kwavari, “Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.” Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete. Zvino nomusi wetanhatu kana vogadzira izvo zvavauya nazvo, zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero chavanosiunganidza zuva rimwe nerimwe.” Zvino Mosesi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeIjipiti.

Verenga chikamu Ekisodho 16