Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 12:1-13

Ekisodho 12:1-13 SNA2002

Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni munyika yeIjipiti, akati, “Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, unofanira kuva mwedzi wokutanga wegore. Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, ‘Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo. Kana mhuri iri duku vasingagoni kupedza gwayana, ivo navagere pedyo neimba yavo ngavatore rimwe rinoringana vanhu. Muringanise gwayana pakudya kwomumwe nomumwe. Gwayana renyu ngarirege kuva nechinhu chisakafanira, mukono wegore rimwe; muritore pamakwai kana pambudzi; zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana. Zvino ngavatore rimwe ropa raro, variise pamagwatidziro maviri egonhi, napachivivo chokumusoro, padzimba pavacharidyira. Vadye nyama yaro usiku ihwohwo, yakagochwa pamoto, nechingwa chisina kuviriswa; vaidye nemiriwo inovava. Regai kuidya isina kuibva, kana yakabikwa nemvura, asi yakagochwa pamoto musoro waro namakumbo aro pamwechete noura hwaro. Musasiya chimwe charo kusvikira mangwana; zvose zvaro zvinosara kusvikira mangwana muzvipise nomoto.’ Muridye kudai: Makasunga zviuno zvenyu, makapfeka shangu dzenyu patsoka dzenyu, makabata tsvimbo dzenyu mumaoko enyu; muridye muchikurumidza; iPasika yaJehovha. “Nokuti nousiku ihwohwo ndichafamba napakati penyika yeIjipiti, ndichirova madangwe ose avanhu panyika yeIjipiti, navana vose vemhongora dzezvipfuwo; ndichatonga vamwari vose veIjipiti; ndini Jehovha. Asi ropa richava chiratidzo kwamuri padzimba mamugere; kana ndichiona ropa ndichakupfuurai, kuti dambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndichirova nyika yeIjipiti.

Verenga chikamu Ekisodho 12