Zvino pamazuva aAhashivheroshi, (ndiye Ahashivheroshi aibata ushe kubva paIndia kusvikira Itiopia, pamativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe;) pamazuva iwayo mambo Ahashivheroshi agere pachigaro chake choushe chakanga chiri paShusha panhare yamambo, pagore rechitatu rokubata kwake ushe, akaitira machinda ake ose navaranda vake mutambo; hondo dzePerisia neMedhia, navakuru namachinda enyika vakanga vari pamberi pake.
Verenga chikamu Esiteri 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Esiteri 1:1-3
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo