Pakupedzisira ivai nesimba muna Ishe, nomusimba rake guru. Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhori. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navane simba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.
Verenga chikamu VaEfeso 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaEfeso 6:10-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo